Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Tinonzwisisa kuti vanhu vanobatwa-batwa zvakasiyana nemifananidzo iri kunyatsoratidza mhirizhonga. Kudzivirira vashandisi kubva kuzviiswa zvakadai, tinobvisa zviiswa zvine mifananidzo inonyatsoratidza zvakajeka uye tinowedzera zviratidzo zvekuyambira kune zvimwe zviiswa kuitira kuti vanhu vazive kuti zvinogona kunge zviri zvinhu zvingangovabata-bata kana kuvatyisa vasati vazvibaya. Tinodzora kukwanisa kwevashandisi vechidiki kuona zviiswa zvinogona kunge zvisina kuvafanira kana kuvakodzera. Nekuita izvi, tinovavarira kupa mashandiro akakodzera mushandisi, tichienderera mberi kupa vashandisi vedu nzvimbo yekutaura maonero avo.
Tinoziva kuti vashandisi vanogona kutumira zviiswa kuti vazivise kana kupikisa maitiro akadai sekutyorwa kwekodzero dzevanhu kana hondo dzemauto. Mitemo yedu inotarisa panotumirwa zviiswa mumamiriro ezvinhu akadai uye inotendera mukana wekukurukura nekuzivisa vamwe nezvazvo.
Kushambadzo dzinobhadharirwa, tinopa dziviriro dzekuwedzera. Semuenzaniso, zvinhu zvinenge zvaonekwa sezvingangobata-bata hazvikodzeri kubuda mushambadzo. Tinorambidzawo shambadzo kusanganisira mifananidzo nemavhidhiyo anoshungurudza, anotyisa, kana zvimwe zvinobata-bata. For more information, please consult our Mitemo Yekushambadza.
Usatumira:
Mifananidzo yevanhu
Mavhidhiyo evanhu, vapenyu kana vakafa, pasiri kutaurwa zvekurapwa, achiratidza:
Kudamburwa kwemaoko kana makumbo.
Nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, sekuti nhengo dziri kuoneka, mabhonzo, kana tsandanyama dzevanhu vapenyu kana vakafa.
Vanhu vari kutsva kana kuti vakatsva; kana
Kuchekwa kwepahuro.
Kubudiswa pamhepo kwemunhu ari kupiwa chirango cherufu zviri pamutemo.
Tsinhiro Dzeutsinye
Tsinhiro dzeutsinye dziri rondedzero - sekuti setsanangudzo kana makomendi - dzichiratidza kufara kana kunakidzwa nekutambura kana kunyadziswa kwevanhu kana mhuka.
Tinobvisa
Mashoko eutsinye anotaurwa akanangidzwa pamifananidzo (mavhidhiyo uye mifananidzo yakamira) ingadaro ichiisirwa sikirini ine mashoko eyambiro pasi pemutemo uyu, ichiyambira vanhu kuti zviiswa zvacho zvinogona kubata-bata; kunze kwekunge mifananidzo ichiratidza zviito zvekuzvidzivirira (semuenzaniso, vhidhiyo yemunhu ari kuzvidzivirira kubva pakubirwa nevakapakata zvombo) kana kuti muri mumamiriro ezveutano (semuenzaniso, mufananidzo wenyanzvi dzezveutano dzichivhiya munhu).
Mashoko akajeka eutsinye anotaurwa nezvekutambura kwemhuka dziri kubuda pamifananidzo, uye mifananidzo inoratidza mhuka dziri mhenyu dzichifa.
Kupa kana kukumbira mifananidzo inenge yadzimwa kana kupiwa chiratidziro chine yambiro pasi pemutemo uno, kana mifananidzo yacho iine tsinhiro dzeutsinye.
Pazviiswa zvinotevera, tinoisawo sikirini ine mashoko eyambiro kuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvingangovabatabata. Tinoitawo kuti vanhu vakuru chete, vane makore 18 kana kudarika vakwanise kuona zviiswa zvacho:
Mifananidzo yevanhu
Mavhidhiyo evanhu, vapenyu kana vakafa, pachitaurwa zvekurapwa, achiratidza:
Kudamburwa kwemaoko kana makumbo.
Nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, sekuti nhengo dziri kuoneka, mabhonzo, kana tsandanyama dzevanhu vapenyu kana vakafa;
Vanhu vari kutsva kana vakatsva, kusanganisira mumaitiro ekupisa chitunha; kana
Kuchekwa kwepahuro.
Mifananidzo yevanhu, vapenyu kana vakafa, pachitaurwa zvekurapwa, achiratidza:
Kudamburwa kwemaoko kana makumbo.
Nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, sekuti nhengo dziri kuoneka, mabhonzo, kana tsandanyama dzevanhu vapenyu kana vakafa.
Vanhu vari kutsva kana kuti vakatsva; kana
Kuchekwa kwepahuro.
Mifananidzo (mavhidhiyo nemifananidzo yakamira) inoratidza rufu rwemhirizhonga rwemunhu (kusanganisira nguva yekufa kana nguva mushure mekufa) kana munhu achisangana nechiitiko chine njodzi kuupenyu (sekuti kurohwa nemota, kudonha kubva pakakwirira chaizvo, kana kusangana nekukuvara kungangouraya).
Mifananidzo inoratidza munhu ari kupiwa chirango chefuru (zvisingasanganisiri kubudiswa pamhepo).
Mifananidzo inoratidza zviito zveutsinye zvinoitwa pamunhu kana gurupu remunhu (semuenzaniso, zviito zvemhirizhonga kana kutyisidzira kukuvadza pavanhu vakadzorwa zvechisimba) .
Mifananidzo inoratidza zvinhu zvinoshandiswa pazvisiri zveutano (semuenzaniso, mapanga, zvipikiri, kana zvimwe zvinhu zvesimbi) zvichiboora ganda remunhu.
Mifananidzo inoratidza mazino emunhu akatsemuka ari kubuda ropa, mazino akabviswa anenge aine ropa; kana kuiswa kwezvimwe zvinhu mumazino kana matadza.
Mifananidzo inoratidza tusvava nevacheche vasiri mudumbu vanenge vafa, kunze kwekunge pamufananidzo wacho paine mumwe munhu.
Mifananidzo yemhuka
Mifananidzo ipi zvayo yemhuka, mhenyu kana dzakafa, - inoratidza kudamburwa kwenhengo, nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, mhuka dziri kutsva kana dzakatsva, kana kuti dziri kufashaidzwa dziri mhenyu.
Mifananidzo yemhuka mhenyu dziri kufa.
Mifananidzo yevanhu vari kuitira mhuka mhenyu utsinye (semuenzaniso, kudzikava, kudzinyudza mumvura, kana kudzitanhaura manhenga).
Pazviiswa zvinotevera, tinodzora kuti zvingoonekwa nevashandisi vane makore 18 kana kupfuura:
Mifananidzo yevanhu
Mifananidzo iri kuratidza vanhu vakafa isina kufukidzwa zvishoma kana zvizere, kunyange kana pasina chinoratidza kuti vafa rufu rwemhirizhonga.
Mifananidzo iri kuratidza tusvava nevacheche vasiri mudumbu vanenge vafa, kunze kwekunge pamufananidzo wacho paine mumwe munhu.
Mifananidzo inoratidza tsono dzichiboora ganda remunhu asi kusiri kubayiwa mishonga yenhomba, kurapa kunoshandisa tsono mutsandanyama, kuisa matattoo, kana kuboora.
Mifananidzo inoratidza vanhu vakakuvara vari kurapwa ichiratidza kuti vari kurwadziwa kana kushungurudzika, kana kuti inoratidza mapombi pachiso chavo uye/kana pamaoko.
Mifananidzo inoratidza tsvina yemunhu uye mvura dzemuviri (semuenzaniso, tsvina yemunhu, weti, marutsi, mafunze, madziwa, zvinobva pakupara ganda, kana ropa).
Mifananidzo inoratidza mota dzichitsva kana kuputika, kana kuratidza kurovera kwemota dziri kumhanya pazvinhu, mota ichibva yabuda munzira uye/kana kuti panogara mutyairi kana vanhu vakatakurwa pobva paparara zvakaipisisa.
Mifananidzo yemhuka
Mifananidzo iri kuratidza mhuka, mhenyu kana dzakafa, paine ropa riri kuoneka.
Mifananidzo inoratidza mhuka dzichizvara (semuenzaniso, paine ropa kana nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka).
Mifananidzo inoratidza mhuka, mhenyu kana dzakafa, dzine zvipukanana zviri kubuda mukati madzo (semuenzaniso, honye kana makonye).
Mifananidzo iri kuratidza mhuka dzakakuvara dziri kutambudzika.
Mifananidzo Yekunyepedzera
Mifananidzo inoratidza vanhu vekunyepedzera mumamiriro anotevera:
Kudamburwa kwemaoko kana makumbo;
Nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, sekuti nhengo, mabhonzo kana tsandanyama dziri pachena;
Vanhu vari kutsva kana kuti vakatsva;
Kuchekwa kwepahuro; kana
Rufu rwemhirizhonga kana zvimwe zviitiko chine njodzi kuupenyu.
Mifananidzo inoratidza vanhu vekunyepedzera yakaita semifananidzo chaiyo (mifananidzo inenge ichiita semifananidzo chaiyo yakatorwa kana kuti yakada chaizvo kuita sepikicha kana vhidhiyo remunhu chaiye), mumamiriro anotevera:
Zvinhu zvisingashandiswi pakurapa (semuenzaniso, mapanga, zvipikiri, kana zvimwe zvinhu zvesimbi) zvichiboora ganda remunhu;
Tsvina yemunhu kana mvura dzemuviri (semuenzaniso, tsvina yemunhu, weti, marutsi, mafunze, madziwa, zvinobva pakupara ganda), zvisingasanganisiri ropa;
Vacheche vakafa kana tusvava tusiri mudumbu;
Mifananidzo inoratidza mhuka dzekufungidzira asi ichiita sechaiyoiyo yakatorwa mumamiriro anotevera:
Kudamburwa kwemaoko kana makumbo;
Nhengo dzemukati memuviri dziri kuoneka, sekuti nhengo, mabhonzo kana tsandanyama dziri pachena;
Mhuka dzirikutsva kana kuti dzakatsva;
Mhuka dziri kufashaidzwa dziri mhenyu;
Ropa riripo;
Mhuka mhenyu dzichifa;
Vanhu vari kuita utsinye (semuenzaniso, kukava, kunyudza mumvura, kana kutanhaura manhenga) zvichiitwa pamhuka mhenyu;
Mhuka mhenyu dziri kutambura
Mhuka dzine zvipukanana zviri kubuda mukati madzo (semuenzaniso, honye kana makonye).
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
Hatitenderi:
Mifananidzo kana chekuteerera chekufa kwemunhu zvine mhirizhonga, kufa kwacho kuchitsinhirwa nechinyorwa chezvevemutemo, chitupa cherufu, ripoti yeMushandidzani Akavimbika, kana ripoti yenhepfenyuro uye hama yemufi yobva yakumbira kubviswa kwayo.
Vhidhiyo yevanhu vakatsva kana vari kupiswa mumamiriro ekuzvipisa sechiito chekuratidzira.
Tingangotendera:
Mufananidzo werufu rwemhirizhonga rwemunhu kana chiitiko chinoisa upenyu pangozi, kuratidzwa kwacho kwangoitika zvetsaona