Mhirizhonga Pamwe Nekuikurudzira

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Tinovavarira kudzivisa zvinogona kuzova mhirizhonga isiri yepaindaneti zvingangove nechekuita nezviiswa zvepamapuratifomu edu. Kunyange zvazvo tichinzwisisa kuti vanhu vanowanzoratidza kuzvidza kana kupikisa kwavo kuburikidza nekutyisidzira kana kukurudzira mhirizhonga zviri hazvo zvekutamba, tinobvisa matauriro anokurudzira kana anobatsira kuti pave nemhirizhonga, uye kutyisidzirwa kwemachokwadi kwekuchengeteka kweveruzhinji kana kwemunhu. Izvi zvinosanganisira mashoko emhirizhonga akananga munhu kana boka revanhu zvichitsamira pachinhu pana zvinhu zvine chekuita navo zvakachengetedzwa, kana pakuti kugara kwavo munyika kwakamira sei. Tinobvisa zviiswa, kumisa kushanda kwemaakaundi uye tinoshanda nemapurisa patinodavira kuti pane njodzi chaiyo yekukuvadza vanhu kana kutyisidzirwa zvakananga kwekukotsekana kweruzhinji. Tinoedzawo kuongorora matauriro aitwa uye zvinenge zvichiitika panguva yacho kuti tizive kuti kungotaurawo here kana mashoko ekuzivisa vanhu kana kuti kutori kutyisidzira veruzhinji kana kutyisidzira kukoketsakana kwemunhu. Pakuongorora kuti zviri kutyisidzirwa ndezvechokwadi here, tingaongororawo zvekuwedzera zvakaita sekuoneka kwemunhu paruzhinji uye njodzi dziripo pakukotsekana kwake.
Mune zvimwe zviitiko, tinoona kutyisidzira kana kuda kuita zvemhirizhonga, kusanganisira kutaura kwetariro yekuti mhirizhonga ichaitika, inonangana nemagandanga nevamwe vanoita zvechisimba (semuenzaniso, "Magandanga anofanirwa kuurayiwa," "Ndinovimba vanouraya magandanga"). Mashoko iwayo tinoati haana kuvimbika, haana umboo chaihwo hwakananga.
Tinobvisa:
Tinobvisa kutyisidzira kwemhirizhonga kune vanhu vakanangwa vakasiyana-siyana. Kutyisidzira kwemhirizhonga kutaura kana zvinoonekwa zvinomiririra chinangwa, shuviro, kana kushevedzera mhirizhonga kune mumwe munhu, uye kutyisidzira kunogona kuratidzwa mumhando dzakasiyana dzezvirevo sekutaura kwechinangwa, kushevedzera kwechiito, kumiririra, zvirevo zveshuviro uye zvirevo zvine zvinofanira kuitwa
Hatirambidzi kutyisidzira kana kuchigoverwa mukuzivisa kana kushoropodza mamiriro, kana kutyisidzira kushoma kunoitwa mumamiriro emitambo ine chitsimba, kana kutyisidzirwa kwakanangana nevamwe vanoita zvechisimba, sezvakaita zvikwata zvemagandanga.
Kuchengetedzwa kwemunhu wese
Munhu wese anochengetedzwa pakutyisidzira kunotevera:
  • Kutyisidzira kwemhirizhonga kunogona kutungamira kurufu (kana dzimwe mhando dzemhirizhonga yakaipisisa)
  • Kutyisidzira kwemhirizhonga kunogona kutungamira kukuvara zvakaipisisa (mhirizhonga iri pakati nepakati) Tinobvisa kutyisidzira kwakadai kune vanhu nemapoka asina kubva pamaitiro akadzivirirwa kana kuri kwechokwadi, uye tinokubvisa kune chero zvimwe zvinangwa (kusanganisira mapoka akavakirwa pane akadzivirirwa) zvisinei nekuti ndekwechokwadi here kana kuti kwete.
  • Kubvuma mhirizhonga yakaipisisa (kwakanyorwa kana kutaurwa, kana kuratidzwa nemuiti wemhirizhonga), kunze kwekunge kwatumirwa pachitaurwa zvekudzikinura, kuzvidzivirira, mitambo yekurwa (iri pakati nepakati kana yakaderera) kana kuti mhirizhonga yacho yaitwa nemapurisa, mauto kana vachengetedzi vehurumende
  • Zviiswa zvinoratidza kutapwa kana kupambwa kwevanhu kana zviri pachena kuti zviiswa zvacho zviri kutumirwa nemunhu akatapwa kana akapambwa kana kuti nemhuri yake ichiteterera kubatsirwa, kana kuti zvatumirwa nechinangwa chekupa ruzivo, kushora zvakaitwa kana kuti kuchenjedza vanhu
Kuwedzera dziviriro yeVanhu Vakuru Vakazvimirira, Vana Vese, vanhu vari panjodzi huru uye vanhu kana mapoka zvichienderana nehunhu hwavo hwakadzivirirwa:
Kuwedzera padziviriro yepasi rese yemunhu wese, vanhu vakuru vakazvimiririra vese (pavanomhan'ara vega), vana nevanhu kana mapoka evanhu vanonangidzirwa pahwaro hwehunhu hwavo hunodzivirirwa, vanodzivirirwa kubva mukutyisidzirwa kwemhirizhonga yakaderera.
Imwe Mhirizhonga
Pamusoro pechengetedzo dzese dzakanyorwa pamusoro, tinobvisa zvinotevera:
  • Zviiswa zvinokumbira, zvinopa, kana zvinobvuma kupa masevhisi emhirizhonga yakaipisisa (semuenzaniso, vanouraya nepfuti, varwi, mhondi, kuchekwa kwesikarudzi dzevakadzi) kana kutsigira kushandiswa kwesevhisi idzi
  • Mirayiridzo yekugadzira kana kushandisa zvombo kana paine mutauro unotaura zvakajeka chinangwa chekukuvadza zvakanyanya kana kuuraya vanhu, kana mifananidzo inoratidza kana kutevedzera mhedzisiro, kunze kwekunge zviine chinangwa chisinei nemhirizhonga chakaita sedzidzo yekuzvidzivirira (semuenzaniso, kudzidzira kurwa, martial arts) uye kudzidziswa zvechiuto
  • Mirayiridzo yekuti zvinoputika zvinogadzirwa uye zvinoshandiswa sei, kunze kwekunge paine zvakajeka zviri kutaurwa zvinoratidza kuti zviiswa zvacho hazvina chinangwa chemhirizhonga sezvakaita chinangwa chekunakidzwa (semuenzaniso, zvinoputitswa zvinoshandiswa nevanhu pakumberera uye mitambo yemavhidhiyo inotengeswa, kuraura)
  • Mashoko anotaura kuunza kana kupakatira zvombo kunzvimbo (kusanganisira asi kwete chete kunzvimbo dzekunamatira, zvivakwa zvedzidzo, nzvimbo dziri kuitirwa sarudzo, kana nzvimbo dziri kushandiswa pakuverenga mapepa esarudzo), kana pakuona nezvesarudzo kana kukurudzira vamwe kuti vaitewo izvozvo.
  • Kutyisidzira kuita mhirizhonga ine chekuita nekuvhota, kunyoreswa kwevavhoti, kana hutungamiriri kana zvakabuda musarudzo, kunyangwe pasina munhu adomwa.
  • Kurumbidza mhirizhonga yakanangana nevarume kana vanhukadzi ingave mhirizhonga yevanodanana kana mhirizhonga inoitirwa vanhu vanonzi vatyora chibvumirano
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
Tinobvisa:
  • Kutyisidzira vakuru vezvemitemo kana vakuru vesarudzo, zvisinei nemamiriro avo eruzhinji kana kuvimbika kwekutyisidzira kwacho.
  • Mashoko ane kodhi asi asina nzira yakajeka yemaitirwo emhirizhonga inotaurwa, asi kutyisidzira kwacho kwakafukidzwa kana kujeka, sezvinoratidzwa nekubatanidzwa kwechiratidzo chekutyisidzira uye chiratidzo chemamiriro kubva pane rondedzero iri pasi apa.
    • Zvinotyisidzira: mashoko akaiswa mukodhi zviri chimwe chezvinotevera:
      • Zvinotumirwa senzira yekudzorera (semuenzaniso, kuratidzwa kwechido chekuita mhirizhonga senzira yekunyunyuta nayo kana yekudzorera kutyisidzira kwakaitwa kungave chaiko, kunofungidzirwa, kana kuti kuri kutarisirwa)
      • Kutaura nezvemhirizhonga yakaitika kare kana kuti yekufungidzira (semuenzaniso, zviiswa zvinotyisidzira vamwe kuburikidza nekutaura nezvemhirizhonga inozivikanwa yakaitwa kare kana kuti yekufungidzira)
      • Zviito zvinokurudzira vanhu kutora danho (semuenzaniso, zviiswa zvinokoka kana kukurudzira vamwe kuita zvinokuvadza vamwe kana kubatana nevamwe pazviito zvekukuvadza vamwe)
      • Zvinoratidza kuziva kana kutumira zvinokosha zvemunhu zvinogona kusiya pamhene vamwe kuti vakuvadzwe (semuenzaniso, zviiswa zvinotaura kana kuti zvinoratidza kuziva zvakavanzika zvemunhu izvo zvingaita kuti mukana wemhirizhonga yekukuvadza uwedzere kuvapo. Izvi zvinosanganisira kuita seunoziva kero yekunogara munhu, kwaanoshandira kana kwaanodzidza, nzira dzaanoshandisa zuva nezuva kana nzvimbo yaari)
    • Mashoko akapoteredza
      • Zviri kuitika munharaunda kana nyaya iri kutaurwa zvichitsigira kuti mashoko ataurwa anogona kuita kuti pagume pava nemhirizhonga.
      • Akanangwa nezviiswa kana kuti mumiririri akapiwa mvumo ndiye anomhan'ara zviiswa zvacho kwatiri.
      • Akanangwa mwana.
  • Kutyisidzira kusingataurwi pachena kwekuunza zvombo kunzvimbo, kusanganisira, asi kwete chete kunzvimbo dzekunamatira, zvivakwa zvedzidzo, nzvimbo dziri kuitirwa sarudzo, kana nzvimbo dziri kushandiswa pakuverenga mapepa esarudzo kana pakuona nezvesarudzo (kana kukurudzira vamwe kuitawo izvozvo) kana munzvimbo dzinenge dziine zviratidzo zvenguva pfupi zvenjodzi yakakura yemhirizhonga.
  • Kutaura kana fungidziro pamusoro pehuwori hune chekuita nesarudzo, zvisiri pamutemo, kana kuti rusaruro kana zvabatanidzwa nechiratidzo chekuti zviri kutyisidzira mhirizhonga (semuenzaniso, kutyisidzira kutora kana kuuya nechombo, mifananidzo yechombo, zvirevo zvekupisa, kuba, kuparadza zvinhu), kusanganisira:
    • Kunanga munhu kana vanhu
    • Kunanga nzvimbo (guta kana dunhu)
    • Chakanangwa pachinenge chisinganyatsozivikanwa
  • Kutaura pamusoro pezviitiko zvine chekuita nesarudzo kana zviitiko zvinobatanidzwa nechiratidzo chekuti zviri kutyisidzira mhirizhonga (semuenzaniso, kutyisidzira kutora kana kuuya nechombo, mifananidzo yechombo, zvirevo zvekupisa, kuba, kuparadza zvinhu).
  • Kutyisidzira mhirizhonga yakakura kana iri pakati nepakati mukuzvidzivirira kana kudzivirira mumwe munhu kana zvipimo zviri pazasi zvikazadziswa.
    • Mhirizhonga pamunhu (kusingasanganisiri vanhu vanogona kuzivikanwa nezita kana chiso, vanhu vakanangwa nekuda kwehunhu hwemunhu hwakachengetedzwa, uye vana)
    • Mumaitiro ekupindwa kwemumba kana mhirizhonga pakati pevanhu inoenderana neyekudzorera kana kuti inoenderana neiri kutyisidzirwa
    • Migumisiro inogona kuitika pakutaura inodarika njodzi yemhirizhonga iri kuuya
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvemhirizhonga pamwe nekuikurudzira
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu