Sipamu

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Hatisi kubvumira zviiswa zvakagadzirirwa kunyengedza, kutsausa, kana kuremera vashandisi kuitira kuwedzera vateereri zvisina kufanira. Zviiswa izvi zvinokanganisa kugona kwevanhu kuwadzana pachokwadi pamapuratifomu edu uye zvinovhiringa kuchengetedzeka, kugadzikana uye kushandisika kwemasevhisi edu. Tinodawo kudzivirira nzira dzinotyisa, senge kuparadzira zvibatanidzi zvinonyengera zvekudhonza vashandisi vasingazivi kuburikidza nekushanda kwenhema kana kodhi, kana kutevedzera dhomeini rinovimbwa naro.
Sipamu yepaindaneti iindasitiri ine mari. Mitemo uye kuona kwedu kunofanira kugara kuchichinja kuti zvifambirane nemaitiro esipamu ari kunyuka. Mukutora matanho ekurwisa sipamu, tinoda kuenzanisa kukwidza mitengo yevagadziri uye vatengesi vayo pamapuratifomu edu, nekuchengetedza zviito zvinoyevedza, zviri pachokwadi zvenharaunda yedu.
Hatitenderi:
  • Kuposita, kutumira, kudyidzana nezviiswa kana kugadzira maakaundi, Magurupu, Mapeji, Zviitiko kana imwe midziyo yekushandisa paMeta, uchizviita iwe pachako kana kuti uchishandisa purogiramu, uchizviita zvakanyanyisa.
    • Tinogona kuisa zvidzoreso pamaakaundi asiri kushanda zvakanyanyisa kana paine zvimwe zviratidzo zveSipamu (semuenzaniso, kudzokorora kuposita zviiswa zvimwe chete) kana zvekusava pachokwadi.
  • Kuedza kana kubudirira kutengesa, kutenga, kana kuchinjana midziyo yepapuratifomu, yakaita semaakaundi, magurupu, mapeji, nezvimwewo.
  • Kuedza kana kubudirira kutengesa, kutenga, kana kuchinjana mabasa enzvimbo yepaindaneti, akaita semabasa ekuva adhimini kana muyananisi, kana mvumo yekuposita mudzimwe nzvimbo dzehurukuro.
  • Kuedza kana kubudirira kutengesa, kutenga, kana kuchinjana zviiswa nechimwe chinhu chine ukoshi hwemari, kunze kweZvinhu Zvakaitirwa Imwe Kambani zvinonyatsozivikanwa, sezvakatsanangurwa ne Mutemo Wezviiswa Zvebhurandi.
  • Kuedza kana kubudirira kutengesa, kutenga, kana kuchinjana kuitira kukwezvwa, zvakaita sekufarira, kutumira, kuonekwa, kuteverwa, kudzvanywa, kushandiswa kwemamwe mahashitegi, nezvimwewo. Izvi zvinosanganisira:
    • Kupa zvipo (kureva, kupa vamwe mukana wekuhwina) zvemari kana zvinoenzana nemari mukuchinjana nekukwezva. (semuenzaniso, “Chero munhu anofarira peji rangu achaiswa kuti ahwine $500”)
    • Kupa chero chinhu chine kukosha kwemari mukuchinjana nekukwezva. (semuenzaniso, “Kana ukafarira peji rangu, ndichakupa iPhone!”)
  • Kuda kana kutaura kuti vashandisi vanofanira kutanga vadyidzana nezviiswa (semuenzaniso, kufarira, kutumira) vasati vakwanisa kuona kana kushandisa zviiswa zviri kuvimbiswa.
  • Kugovera maURL anotsausa kana kunyengedza, madhomeyini, kana maapu kusanganisira:
    • Kuvhara: Kunonzi kuvhara kuedza kupi nekupi kunzvenga mitemo yezviiswa yedu nekuedza kuratidza nemaune zviiswa zvakasiyana zvisiri papuratifomu, sekuti maURL kana maapu, kumasisitimu edu anoona huchokwadi zvichienzaniswa nezvinoratidzwa vashandisi.
    • Zvibatanidzi Zvinonyengedza: Zviiswa zvine chibatanidzi chinovimbisa mhando imwe yechiiswa asi chichipa chimwe chinhu chakatosiyana. Izvi zvinogona kusanganisira zviiswa zviri muapu yakavimbiswa kana sofutiweya.
    • Maitiro anonyengedza anoendesa mushandisi kumwe: Mawebhusaiti anoda kuti mushandisi atore danho (semuenzaniso, kutevedzera zviri kudiwa ne captcha, kuona shambadzo, kana kubaya pakanzi baya pano) kuti akwanise kuona peji raari kutarisira kuona saka zita reURL rinobva rachinja paanongopedza kutora danho riri kudiwa, kana kuendesa vashandisi zviri otomatiki kudhomeyini yakatosiyana pasina danho ratorwa nemushandisi.
    • Kuwana kufarirwa/kutumirwa: Kuda kuti vashandisi vawadzane (mumaitiro akaita sekufarira, kutumira, kutevera, kana chero kuwadzana kweparuzhinji) kuti vakwanise kuwana zviiswa zvakasanangurwa zvisingaratidzwe vakawanda.
    • Kushandiswa kwepuratifomu kunonyengedza - Kutevedzera maficha kana kushanda kwemasevhisi edu, zvakafanana nekutevedzera kuunganidza mari, sarudzo dziri munhaurirano, mabhatani ekuridza, kana bhatani reKufarira apo kushanda kwacho pasina kana kuti risingashandi sezvinotarisirwa, kuitira kuti mushandisi atevere chibatanidzi.
    • Kushanda kwepeji rekusvikira kunonyengedza: Mawebhusaiti ane interface yemushandisi inonyengedza, izvo zvinoita kuti vashanyi vagadzirwe (semuenzaniso, mahwindo anongobuda ega, zvinobayika zvepeji asi zvichishanda zvimwewo zvakaipa, nezvimwe). Izvi zvinosanganisira nzira dzakaita sekuteya, apo mahwindo anongobuda ega asingakodzeri anooneka kana munhu akaedza kusiya peji rekusvikira.
    • Kuzviita peji rekusvikira kana dhomeyini - Peji, URL, kana webhusaiti yekunze yekusvikira isiri papuratifomu inoedzesera kuva bhurandi kana sevhisi inovimbika kuburikidza nekushandisa zita, dhomeyini kana zviiswa zvakanyorwa zvisizvo, kupereterwa kusiko kana dzimwe nzira dzekunyepedzera kuva mawebhusaiti, madhomeyini kana mabhurandi anozvivikanwa pachishandiswa peji rekusvikira rinofanana nerimwe, nzvimbo yepaindaneti inovimbika.
    • Kumwe kushandisa kunonyengera kwemaURL kana zvibatanidzi kwakada kufanana nezviri pamusoro.
  • Zvisinei nezviri pamusoro, hatirambidze:
    • Puromosheni yechimwe chigadzirwa kuti chisimudzire chimwe iyo isingakonzerwi nekubhadhara imwewo kambani
    • Kuendesa mabasa ekuva adhimini kana muyananisi wepeji kana gurupu kune mumwe mushandisi zvichibva pakufarira kwavo mupeji kana gurupu, zvisiri zvekubhadharana.
    • Kuposita kana kutumira Zvinhu Zvakaitirwa Imwe Kambani zvinonyatsozivikanwa.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvesipamu
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu