Zvinokurudzira Vanhu Vakuru Kuita Zvebonde uye Mutauro Wezvepabonde Unonyadzisa

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Sezvakanyorwa mu a Kubatirirwa Mune Zvepabonde Kwevanhu Vakuru , vanhu vanoshandisa masevhisi edu pakukurukura nepakuita kuti vanhu vazive nezvemhirizhonga uye kubatirira vamwe panyaya dzezvepabonde. Tinoziva zvakakoshera nhaurirano iyi uye tinoitendera. Tinotenderawo nhaurirano dzekutsigirwa kuri pachena kwekodzero dzevanoita mabasa ezvepabonde uye kudzikwa kwemitemo ine chekuita nemabasa avo. Tinoziva zvakakoshera nhaurirano iyi uye tinoitendera. Zvisinei, tinodzika miganhu, kana zviiswa zvava kubatsira kuronga kuonana kwevanhu nechinangwa chekuita zvepabonde kana kutengeserana bonde kwevanhu vakuru kana kuti zviiswa zvaakukumbira kana kupa zvinonyadzisira kana zvepabonde. Tinoita izvi kuti tisabatsire pakutengeserana kwezvepabonde uko kungasanganisira kutengeserana, kumanikidza uye zviito zvepabonde zvinoitwa pasina kutenderana.
Tinorambidzawo matauriro anonyatsojekesa zvepabonde angaita kuti pave nekukumbira bonde nechikonzero chekuti vamwe vateereri munharaunda yedu yepasi rese vangabatwa-batwa nemhando yezviiswa zvakadai, uye zvingakanganisa kubatana kwavo neshamwari dzavo uye nenharaunda yese zvayo.
Hatitenderi:
Zviiswa zvinopa, kukumbira kana kupa nzira dzekukurukura kuitira chipfambi, zvinotsanangurwa sekuzvipa iwe pachako kana kukumbira kuita zvepabonde uchichinjana nemari kana chero chinhu chakakosha se:
  • Kupa kana kukumbira kuita bonde (semuenzaniso, masevhisi ekuperekedza, mameseji nezvepabonde/ezvinonyadzisira, hurukuro/nhaurirano dzezvepabonde, masevhisi ezvepabonde zvakatsaudzira)​
  • Kushandisa mashoko echimanje manje echipfambi akasanganiswa nekukumbira kana kupihwa kwekuwanikwa, mutengo, kana chero munongedzo wekubhadhara mari, kana muripo, nzvimbo, kana mashoko ekubatika kwemunhu
  • Kuita zvinokwezva vanhu kuita bonde zvakasangana paine mutengo kana chero munongedzo wekubhadhara mari kana chimwe chinhu chakakosha
  • Kuratidza kana kutaura zviitiko zvepabonde kana vekuita bonde navo paine mutengo kana chero zvinongedzo zvemari kana kubhadhara nemutsa.
  • Kupinza vanhu basa kana kupa vanhu kuti vave vashandi vezvepabonde vevamwe kunotaurwa pasi pemutemo yezveKubatirira Munhu.
Zviiswa zvinokwezva vanhu kuita bonde kuburikidza nekupa, kukumbira, kana kupa nzira dzekukurukura kuita zvepabonde zvakaita se:
  • Kuita kana kuedzesera zvepabonde
  • Kuita bonde remukanwa
  • Zvebonde Zvakatsaudzira
  • Nhaurirano dzezvebonde.
  • Mamasaji ane chekuita nebonde kana kumutsa zenze
  • Kutamba kana kubvisa zvipfeko kunomutsa zenze
  • Kugovera mifananidzo yeari musvo kana mavhidhiyo
Zviiswa zvinokumbira kana kupa nzira dzekubatana kuitira zvinhu zvepabonde, kana zvine mazita anoshandiswa pafacebook kana zvibatanidzi zvekuenda kumawebhusaiti ezvinonyadzisira.
Mutauro unonyatsojekesa zvepabonde unoratidza mamiriro ezvinhu nezve:
  • Nhengo dzepabonde,
  • Mamiriro ekuva nezenze rebonde (semuenzaniso, kutota kana kumira kwenhengo)
  • Kusanganirana Nezvepabonde
  • Zviri pamusoro hazvisanganisiri zviiswa zvinotumirwa pachitaurwa zvinosetsa, zvinotsiurira munyambo, kana kutuka kune chekuita nezvepabonde
Tinobvumira zviiswa zvinodzivirirwa nemutemo uyu kana zvakatumirwa mukushora, kudzidzisa, kuzivisa vanhu kana mamiriro ekutaura nhau. Hatirambidzi zvakare kukurukura nezvezviito zvepabonde pasi pemutemo uyu. Zvisinei, zvinogona kuganhurirwa kuvanhu vakuru vane makore 18 kana kudarika maererano nemutemo weZveutano uye Kusimba kuitira kubatsira mashandiro akakodzera kuvana vechidiki.
Pazviiswa zvinotevera, tinodzora kuti zviiswa zvacho zvionekwe nevanhu vakuru, vezera remakore 18 kana kupfuura:
  • Zviiswa zvinotaura zviito kana zvawasangana nazvo pabonde
  • Zviiswa zvine mazita anoshandiswa paFacebook, zvibatanidzi kana zviratidzo zveMawebhusaiti Ezvechikuru Zvinobhadharirwa
  • Mutauro unonyatsojekesa zvepabonde mumamiriro enyambo kana kutsiurira munyambo, kusanganisira madimikira ezvepabonde
  • Mutauro unokuridzira kuita zvepabonde unonongedza kusanganirana nezvepabonde
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
  • Pamwe pacho, tichatendera zviiswa izvo zvingave zvichityora Mitemo Yenharaunda kana zvikaonekwa kuti zviiswa zvacho ndezvekutsiurira munyambo. Zviiswa zvichangobvumirwa chete kana zvikamu zviri kutyora mutemo zvacho zviri kuitirwa munyambo kana kuti zvichinongedza kuchimwe chinhu kana mumwe munhu nechinangwa chekumutsvinyira kana kumutsoropodza.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvinokurudzira vanhu vakuru kuita zvebonde uye mutauro wezvepabonde unonyadzisa
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu