Maitiro Ezvekutengeserana Asingatenderwi
Mashoko akawanda nezveMutemo
CHINJA ROGU
Nhasi
Chikonzero chakanyorerwa mutemo
Tinovavarira kuchengetedza vashandisi uye mabhizinesi kubva mukunyengedzwa mari, midziyo kana mamwe mashoko akavanzika ezvavo. Kuti tidaro, tinorambidza zviiswa uye maitiro anoshandisa maitiro ezvekutengeserana asingabvumirwi. Izvi zvinosanganisira kupiwa kwemabasa kana purogiramu yehurumende yemanyepo, kunyengedza nevanemukurumbira kana bhurandi, mapuromosheni ekuisa mari (kusanganisira mari inowanikwa zvakavimbika), mapuromosheni ekubvisa zvikwereti uye kugadzirisa zvikwereti, mapuromosheni ekuita mari nekuchimbidza uye mapuromosheni ekupinda murudo, uye mapuromosheni ekupa zvinhu pasina mubhadharo.
Tinotendera vanhu kuti vachenjedze, vadzidzise vamwe nezve, uye vashore kubiridzira uye mamwe maitiro ezvekutengeserana asingabvumirwi, chero bedzi vasingabudisi pachena mashoko anokosha kana kuasimudzira.
Kuitira mitemo inobata Madhokumendi uye Masevhisi Emari Anorambidzwa, ona Mitemo Yenharaunda yeZvinhu uye Masevhisi Asingabvumirwi.
Kumisikidzwa kwedu kwemitemo hakuna kukwana, uye tingatadza kuona kutyorwa kwemitemo kwese. Kuti udzidze zvimwe maererano nekuti ungaona sei zviiswa zvinonyengedza uye zvaungaite kuti uzvidzivirire, enda paMuzinda Wekuchengetedzeka Pakubirwa wedu.
Kutevedzwa kwemutemo
Tinogona kutora matanho akasiyana-siyana ekumisikidza, kusanganisira asi kwete kugumira kubvisa zviiswa uye shambadzo, kuderedza kugoverwa, kudzora maakaundi ekushambadza, kudzora maficha, kuda kuvherifayiwa, kana kumisa kushanda kwemaakaundi. Matanho aya anogona kubva pakutsvaga kwedu kwakazvimiririra, kana kuti kuudzwa nezvamhan'arwa nemasangano atinovimba nawo uye maonero evashandisi (anotsanangurwa pazasi).
Maonero eMushandisi
Maonero evashandisi anotibatsira kuziva maitiro ekutengeserana anoita kuti vashandisi vasangane nezvinhu zvisingafadzi. Tinoongorora zvinongedzo zvakaita semaitiro anowirirana kana uwandu hwemaonero ekushora hwakaderera, uye tinogoverana maonero anokosha nevashambadzi uye vatengesi kuitira kuti vavandudze zviiswa zvavo uye kugutsikana kwemutengi. Kana maonero ekusvora achiramba achipo pasinei neyambiro, tinogona kutora matanho ari pamusoro, kusvikira pakudzora kana kumisa kushanda kwemaakaundi kana masangano ane mhosva. Izvi zvinosanganisira kutora matanho pachero maitiro akadai seanoti:
- Mitengo inonyengedza kana isina musoro.
- Kusatumira: kukundikana kusatumira zvigadzirwa kana masevhisi akatengwa mushure mekubhadhara.
- Kutsanangura zvisizvo chigadzirwa: kusimudzira zvigadzirwa kana masevhisi anosiyana zvakanyanya nezvashambadzwa, kusanganisira kusiyana kwakakura kweunaku kana zvinhu zvisiri izvo.
- Kuchaja kusina mvumo: kuchaja nzira yekubhadhara yemutengi pasina mvumo yakapiwa kana kubudisa pachena.
- Kutyorwa kwemitemo yekudzorera kana kuregerera mari: kukundikana kutevedzera mitemo yekudzorera mari kana mitemo yekudzorera chatengwa.
- Maitiro ekunyengedza ekubhadhara: kuisa makasitoma muzvirongwa zvekubhadhara zvinodzokorora kana masevhisi ekubhadhara pasina kubudiswa pachena kwezviga.
- Zvibatanidzi zvinoratidzika kuti zvinoendesa kunzvimbo dzepaindaneti dzepamutemo asi zvichiendesa kunzvimbo dzekubiridzira.
Hatitenderi:
Zviiswa zvinoshandisa maitiro ekunyengedza kuti zvirasise vanhu kana mabhizinesi kuti zviwane mari, kusanganisira asi zvisingagumire pa:
Zviiswa zveZvikwereti Zvingatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Mapuromosheni echikwereti anoda mushandisi abhadhare muripo wepamberi kuti awane chikwereti.
- Mapuromosheni ezvikwereti zvinovimbisa kutenderwa pasina kutaurwa kwezvinotarisirwa pakutenderwa, zvakaita semashoko ezvemari kubva kumukwereti.
Zviiswa Zvekubheja Zvinongatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Zvinopa masevhisi ekubheja nemari chaiyo ("Mari chaiyo" imari yenyika chaiyo inogona kushandiswa kutenga zvinhu kana masevhisi munyika chaiyo, kusanganisira mari dzenyika dzakaita seMadhora ekuU.S. uye mari dzepaindaneti dzakaita seBitcoin):
- nevimbiso yekuhwina.
- kutaura zvisina kujeka kana kubvuma kuti zvabuda pagemhu kana mumutambo zvakagadzirwa.
- kutsvaga vanhu kuti vabatsire kugadzira zvichabuda pamutambo kana kutsvaga rubatsiro kana mazano ekuti zvichabuda pagemhu kana pamutambo zvinogadziriswa sei.
- kushambadza masevhisi ekubheja nenzira dzinonyengedza kana dzisina kujeka (sekuti meseji isinei nezvazvo iyo yakabatanidzwa nemufananidzo kana vhidhiyo yepuromosheni yekubheja)
- Mapuromosheni anosimudzira masevhisi kubva kuvatengesi vekubheja vanozivikanwa nekunyengedza.
Magemhu ekasino ekuwadzana nevamwe anoedzesera kubheja pasina mukana wekuhwina mari chaiyo anofukidzwa mu Mutemo Wenharaunda panyaya yeZvinhu uye Masevhisi Anorambidzwa Nemutemo.
Zviiswa Zvinorambidzwa Zvekuisa Mari
Izvi zvinosanganisira:
- Kupa mikana yekuisa mari mhindu inobva mumari yaiswa painenge ichivimbiswa kana kuti isina njodzi.
- Zvinopa mikana yekuisa mari apo mhindu yabva mumari yaiswa kana inobhadharwa inotsamira zvishoma kana zvizere pakupinza vamwe muchirongwa.
- Zvinopa mikana yekuisa mari wotaura ichokwadi kana kunongedzera kubudirira munguva yakapfuura kana mari yekudzosa mari yagadzirwa kuti zvinoite kutarisira kubudirira kwakafanana munguva ichauya.
- Zvinopa mikana yekuisa mari inonzi inobudirira nekukurumidza (sekuti pasi pemaawa 24).
- Zvinovimbisa kuchinja uwandu hwakati hwemari kuti huwedzere kuburikidza nekupinyura kana chidavado kana urongwa hunosanganisira kutaurwa pachena kwe"kupinyura mari," kana mashoko akada kudaro.
Zviiswa Zverubatsiro Zvinorambidzwa
Izvi zvinosanganisira:
- Zvikumbiro zvekubiridzira zvekuti munhu anoda mari kana kupa rubatsiro kuitira zvikonzero zvekubatsira.
Zviiswa Zverudo Zvisingatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Kuedza kubiridzira kuva zvekudanana paindaneti nekutsvaga ushamwari kana kudanana kusiri kwepabonde uye kupa kana kukumbira mari kana chinhu chinoenderana nemari munzvimbo yayo.
Bhurandi Risingatenderwi kana Zviiswa Zvekunyengedza Vamwe Zvine Mhando kana Munhu Anenge Ane Mukurumbira
Izvi zvinosanganisira:
- Kubiridzira nezvemabhurandi, kunosanganisira kutaura zvisina umboo kana kumiririra kwekunyepa, kutaura neinzwi rebhizinesi kana sangano rakazvimiririra, pamwe chete nemaitiro anonyengedza ekubiridzira vanhu kuti vawadzane nezviiswa zvacho nechinangwa chekubiridzira.
- Kubiridzira nezvemukurumbira, kunosanganisira kushandisa zita, kufanana, kana mufananidzo wemunhu ane mukurumbira nenzira dzekunyepa, pamwe chete nemaitiro anonyengedza ekukwezva vanhu kuti vawadzane nezviiswa nechinangwa chekubiridzira kana kunyengedza.
Zviiswa Zvisingatenderwi Zvekuita Mari Nekuchimbidza
Izvi zvinosanganisira:
- Kupa mukana wekuwana mari isingatarisirwe nekuda kwezviito zvisina kujeka kana kuedza kushoma.
Zvinhu Zvinobatika, Zvemweya kana zveIlluminati Zvisingatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Zvinopa mibayiro inobatika, yakaita semari, zvigadzirwa, kana masevhisi ane hukoshi hwemari inosanganisira mari chaiyo, mari dzepaindaneti, uye zvigadzirwa chaizvo kana zvepaindaneti uye masevhisi ekuva nhengo kana kujoina sangano, chitendero, boka rechitendero (semuenzaniso, ukama hweIlluminati).
- Zvinopa mibayiro yekushandisa minana kana zvitsinga kana zvinhu zvemashiripiti (semuenzaniso, zvitsinga, mazango, madumwa, mishonga, kana chikwama chemasaramusi, nezvimwe).
Zviiswa Zveinishuwarenzi Zvisingatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Mapuromosheni eishuwarenzi yakaderedzwa mutengo zvakanyanya yemanyepo nezvikumbiro zvemubhadharo unotanga waitwa, sekuti mubhadharo wekumaneja kana kubatisa.
- Mapuromosheni einishuwarenzi yakaderedzwa mutengo zvakanyanya yemanyepo nevimbiso dzekuchengetedza mari yakawanda painishuwarenzi kana zvichienzaniswa nevanopa inishuwarenzi.
Zviiswa zveBasa Zvingatenderwi
Izvi zvinosanganisira:
- Zvinopa mabasa asina zvizhinji maererano nemushandirwi uye zvizere zvemabasa, zvinongonongedzera kumabasa amuka chete.
- Zvinopa basa rinoitirwa pamba asi musoro webasa racho uchiratidza zvisina kujeka kuti mushandi haagoni kushandira pamba.
- Zvinopa mabasa anovimbisa muhoro zuva remuhoro risati rasvika.
- Zvinopa mabasa anonzi anotowanika.
- Zvinopa mabasa zvichida muripo unobhadharwa basa risati rapiwa.
Zviiswa Zvinorambidzwa zveZvikwereti uye Kugadzirisa Zvikwereti
Izvi zvinosanganisira:
- Zvinovimbisa kubvisa kana kuderedza chikwereti nemari yakati munguva yakatarwa.
- Zvinovimbisa kumisa kuunganidzwa kwezvikwereti kana mhosva dzese.
- Zvinovimbisa kubvisa mashoko echikwereti pamaripoti ezvikwereti kana kugadzira "rupawo rwechikwereti" rutsva.
Zviiswa Zvinorambidzwa Pazvipo
Izvi zvinosanganisira:
- Kupa mubayiro wekubatsirwa kwemari chaiyo kana zvinhu zvinotengeswa (zvakaita semidziyo inishanda nemagetsi, motokari, kana zvishongo) pasina zviito zvinodiwa kumushandisi kunze kwekugovera mashoko akavanzika kana ezvemari.
- Kubiridzira nezvekubhadharwa mari kubva kurubatsiro kana mapurogiramu ehurumende.
Zviiswa Zvinorambidzwa Zvemubhadharo Unofanobhadharwa
Izvi zvinosanganisira:
- Zvinovimbisa mari zvekunyepera ichichinjaniswa nemubhadharo unofanobhadharwa/kutumirwa mari/kubhadhara.
Zvisinei nezviri pamusoro, hatirambidze zviiswa zvinoshora, kuchenjedza kana kudzidzisa vamwe nezvekubiridzira kana kumwe kushandiswa kwemabhizinesi kwakarambidzwa, zvisingaratidze mashoko angangobata-bata kana kusimudzira kubiridzira.
Kuwedzera pakubvisa maakaundi anotyora mutemo weMaitiro eBhizinesi Asingatenderwi, masisitimu edu anoongorora zvinongedzo zvemaitiro kuti abatsire kuziva uye kuganhura kukurukura kusingadiwi uye kuratidzwa kwezviito zvingangova zvekubiridzira.
- Tinogona kumisa kushanda kana kudzora kuwana zvigadzirwa uye maficha (semuenzaniso, kukwanisa kutumira meseji kumamwe maakaundi) zvakatsamira pamusanganiswa wemaitiro akaita sekutumira mameseji asingadiwe kuvanhu vausingateveri, kuzviita mumwe munhu nemaune, kana kuva adhimini wenharaunda (semuenzaniso Mapeji) atabvisa nekuda kwekutyora mitemo yedu yekubiridzira.
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko uye/kana mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
Tinogona kubvisa zviiswa:
- Zvinosanganisira kubiridzira kana masikamu amhan'arirwa nesangano rinovimbika.
- Zvinotsvaga vanhu kuti vapinde mukukwidza nyaya dzinoshandisa maitiro ekunyengedza, sekuti kunyepedzera kuva bazi rehurumende kana sangano renhau, kana kushandisa zvinotaurwa zvinovhundutsa kana zvinonzi ichokwadi zvakawedzeredzwa.
- Zvinosanganisira masangano anoita kana kuti anotaura zvisina umboo kuti anoita zvekubiridzira kwakarongwa, kusanganisira kushandisa maakaundi akawanda pamasevhisi edu mumubatanidzwa kuti asimudzire maitiro ekunyengedza.
Tinotendera zviiswa zvinofukidzwa nemutemo uyu kana zvikatumirwa mukushora, kudzidzisa, kuzivisa vanhu kana mukutaurwa kwenhau.
29 Gum 2026
Policy Rationale
We aim to protect users and businesses from being deceived out of their money, property, or personal information. To do so, we prohibit content and behavior that employ prohibited commercial practices. This includes false job or government program offers, celebrity and brand bait, investment schemes (including guaranteed returns), debt relief and credit repair schemes, get-rich-quick and giveaway schemes, romance schemes, and charity schemes.
We allow people to raise awareness of, educate others about, and condemn scams and other prohibited commercial practices, provided they do not reveal sensitive information or promote them.
For policies related to Prohibited Documents and Financial Services, see the Restricted Goods and Services Community Standards.
Our enforcement isn’t perfect, and we may not detect all policy violations. To learn more about how to spot deceptive content and what you can do to help protect yourself, visit our Scam Protection Center.
Enforcement
We may take a range of enforcement actions, including but not limited to removing content and ads, reducing distribution, restricting advertising accounts, limiting features, requiring verification, or disabling accounts. These actions may result from our own proactive detection, or be informed by reports from trusted entities and user feedback (described below).
User Feedback
User feedback helps us identify commercial practices that create poor user experiences. We consider signals such as consistent patterns or disproportionate volumes of negative feedback, and we share relevant feedback with advertisers and sellers so they can improve their content and customer satisfaction. Where negative feedback persists despite warnings, we may take the actions above, up to restricting or disabling the responsible accounts or entities. This includes taking enforcement on practices such as:
- Misleading or unreasonable pricing.
- Non-delivery: failure to deliver purchased products or services after payment has been made.
- Product misrepresentation: promoting products or services that materially differ from what was advertised, including significant discrepancies in quality or incorrect items.
- Unauthorized charges: charging a customer’s payment method without prior authorization or clear disclosure.
- Violation of return or refund policies: failure to honor stated refund or return policies.
- Deceptive subscription practices: enrolling customers in recurring payment plans or subscription services without clear disclosure of terms.
- Links that appear to lead to legitimate commercial sites but instead lead to scam sites.
We do not allow:
Content that uses deceptive tactics to mislead people or businesses for commercial or financial gain, including but not limited to:
Prohibited Loan Content
This includes:
- Loan offers requiring the user to pay an upfront fee to obtain a loan.
- Loan offers that guarantee approval without any mention of standard approval criteria, such as financial information from the borrower.
Prohibited Gambling Content
This includes:
- Offers of real money gambling services (“Real money” is real-world currency that can be used to buy goods or services in the real world, including national currencies such as U.S. Dollars and virtual currencies such as Bitcoin):
- with a guarantee of winning.
- implying or admitting to have rigged the outcome of a game or match
- soliciting people to enable match fixing or looking for help or tips on how to fix a match or game
- promoting gambling services in deceptive or obfuscated ways (such as unrelated text paired with a gambling promo image/video)
- Offers that promote services from known deceptive gambling vendors.
Social casino games that simulate gambling with no opportunity to win real money are covered by our Community Standard for Restricted Goods and Services.
Prohibited Investment Content
This includes:
- Offers of investment opportunities where returns on investment are guaranteed or risk-free.
- Offers of investment opportunities where returns on investment or compensation is partly or fully based on recruitment of others to participate in the scheme.
- Offers of investment opportunities claiming or referencing successful past performance or returns to create an expectation of similar future results.
- Offers of investment opportunities that claim quick returns (such as under 24 hours).
- Offers to turn a certain sum of money into a larger one through flipping or trick or strategy involving explicit mentions of “cash flip,” "money flip,” or similar terminology.
Prohibited Charity Content
This includes:
- Fraudulent requests for money or donations for charitable causes.
Prohibited Romance Content
This includes:
- Fraudulent attempts to establish online romantic relationships by seeking non-sexual companionship or relationship and offering or asking for money or its equivalent in exchange.
Prohibited Brand or Celebrity-Bait Content
This includes:
- Brand-bait scams, which involve falsely claiming to represent, or speak in the voice of, an established business or entity, together with misleading tactics to bait people into engaging with the content in an attempt to scam or defraud.
- Celebrity-bait scams, which involve falsely using the name, likeness, or imagery of a public figure, together with misleading tactics to bait people into engaging with the content in an attempt to scam or defraud.
Prohibited Get Rich Quick Content
This includes:
- Offers of opportunities of unrealistic financial reward for unclear or minimal effort.
Prohibited Tangible, Spiritual or Illuminati Content
This includes:
- Offers tangible rewards, such as money, goods, or services that have a monetary value including physical, digital and virtual currencies, and physical or digital goods and services for membership in or joining an association, cult, religious sect (for example, the Illuminati brotherhood).
- Offers tangible rewards for using black magic or spells or magical items (for example, spells, lucky charms, amulets, tokens, potions, magic wallet, etc.).
Prohibited Insurance Content
This includes:
- Offers of false, heavily discounted insurance with requests for an up-front fee, such as an administration fee or deposit.
- Offers of false, heavily discounted insurance with promises of significant savings on insurance compared to conventional insurance providers.
Prohibited Job Content
This includes:
- Offers of jobs containing no information about the employer and job specifications, simply referencing job vacancies.
- Offers of work from home but the job title implies the employee cannot WFH.
- Offers of jobs with advance promises of salary.
- Offers of guaranteed jobs.
- Offers of jobs with a demand for an advance fee before the job is granted.
Prohibited Debt Relief and Credit Repair Content
This includes:
- Promises to eliminate or reduce debt by a particular amount in a set period of time.
- Promises to stop all debt collections or lawsuits.
- Promises to remove credit information from credit reports or create new "credit identity."
Prohibited Giveaway Content
This includes:
- False offers of a guaranteed reward of real money or consumer goods (such as electronics, vehicles, or jewelry) without any action required by the user beyond sharing personal or financial information.
- False offers of money from government grants or programs.
Prohibited Advance Fee Content
This includes:
- Falsely promises money in exchange for an up-front fee/wire transfer/payment.
Notwithstanding the above, we do not prohibit content that condemns, raises awareness of, or educates others about scams or other prohibited commercial practices, without either revealing sensitive information or promoting them.
In addition to removing accounts that violate our Prohibited Commercial Practices policy, our automated systems consider a range of behavioral signals to help identify and limit unwanted contact and exposure to potential scam activity.
- We may disable accounts or restrict access to products and features (e.g. the ability to message certain accounts) based on a combination of behaviors such as sending unsolicited messages to people who you do not follow, deliberately misrepresenting your location, or being an admin of communities (e.g. Pages) we have removed for violating our scam policies.
For the following Community Standards, we require additional information and/or context to enforce:
We may remove content that:
- Involves frauds or scams that have been reported by a trusted entity.
- Recruits people to participate in class action lawsuits using deceptive tactics, such as impersonating a government entity or news outlet, or using sensationalist or exaggerated claims.
- Involves entities participating in or claiming to engage in organized fraud or scam behavior, including the use of multiple accounts on our services in concert to perpetrate fraudulent behaviors.
We allow content that is otherwise covered by this policy when posted in condemnation, educational, awareness raising, or news reporting contexts.