Kupiwa Kwemashoko Asiri Echokwadi
Mashoko akawanda nezveMutemo
CHINJA ROGU
Nhasi
8 Kub 2025
14 Kur 2025
8 Ndi 2025
19 Chg 2024
10 Chg 2024
11 Chk 2024
21 Chv 2024
7 Kuk 2024
6 Zvi 2023
30 Gun 2023
15 Chg 2023
Zvikonzero Zvemutemo
Kupiwa kwemashoko asiri echokwadi kwakasiyana nemamwe marudzi ekutaura anotaurwa muMitemo Yenharaunda yedu nekuti hapana nzira yekunyatsodonongodza mutorododo unonzwisisika wezvinorambidzwa. Nemavhidhiyo anoratidza zvakajeka mhirizhonga kana maitiro eruvengo, semuenzaniso, mitemo yedu inotsanangura zviiswa zvatinorambidza, uye kunyange vanhu vasingabvumirani nemitemo iyoyo vanogona kuitevera. Pakupiwa kwemashoko asiri echokwadi zvisinei, hatikwanisi kutara muganhu wakadaro. Nyika iri kuchinja nguva dzose, uye chinhu chinonzi ndechechokwadi pane imwe nguva chinogona kunge chisisiri chechokwadi nguva inotevera. Vanhu vanewo mashoko akasiyana-siyana maererano nezvakavapoteredza, uye vanogona kutenda kuti chimwe chinhu ichokwadi icho chisiri chokwadi. Mutemo unongorambidza “mashoko asiri echokwadi” haungape chiziviso chinobatsira kune vanhu vanoshandisa masevhisi edu uye haugone kutevedzerwa, sezvo tisingakwanisi kuwana mashoko zvakakwana.
Pachinzvimbo cheizvozvo, mitemo yedu inotaura mipanda yakasiyana-siyana yemashoko asiri echokwadi uye yoedza kupa nhungamiro yakajeka pamusoro pemabatiro atinoita kutaura ikoko patinozviona. Pamupanda wega wega, maitiro edu anoratidza kuedza kwedu kudzikamisa unhu hwedu hwekutaura, chengetedzo, chiremera, chokwadi, uye zvakavanzika.
Tinobvisa mashoko asiri echokwadi paangangokonzeresa njodzi yekukuvadza muviri kuri pedyo. Tinobvisawo zviiswa zvingangokonzeresa kuvhiringwa kwakananga kwemashandiro ezvematongerwo enyika. Mukuona kuti zvii zvinoumba mashoko asiri echokwadi mumipanda iyi, tinodyidzana nenyanzvi dzakazvimiririra dzine ruzivo neunyanzvi hwekuona chokwadi chezviiswa uye kuti zvingangokonzeresa njodzi yekukuvadza kuri pedyo here. Izvi zvinosanganisira, semuenzaniso, kushanda nemasangano anorwira kodzero dzevanhu nekuvapo munyika kuti vaone chokwadi cherunyerekupe rwekunetsana kwevanhu.
Kana ari mamwe mashoko ese asiri echokwadi, tinotarisa kuderedza kuwanda kwawo kana kugadzira nharaunda inosimudzira nhaurirano ine pundutso. Tinoziva kuti vanhu vanowanzoshandisa mashoko asiri echokwadi nenzira dzisingakuvadzi, dzakadai sokuwedzeredza pfungwa (“Timu iyi ine rekodhi yakaipisisa munhoroondo yemutambo!”) kana kuti mukusetsa kana kuti munyambo (“Murume wangu achangobva kuhwina makundano ekuva Murume Wegore.”) Vanogonawo kugovera zvavasangana nazvo kuburikidza nenyaya dzisiri dzechokwadi. Mune dzimwe nyaya, vanhu vanogovera maonero avo akadzama ayo vamwe vanoona senhema kana kuti vanogovera mashoko avanofunga kuti ndeechokwadi asi vamwe vachiona kuti haana kukwana kana kuti anonyengedza.
Nekuziva kupararira kwemutauro uyu, tinoisa pfungwa pakupa vashandisi mashoko anobatsira panenge paine zviiswa zvingangorasisa kana kuvhiringidza. Sechikamu chekuedza uku, kunze kweUnited States tinoshanda nemasangano akazvimiririra anoongorora chokwadi munzvimbo dzakawanda dzepasi rose kuti tiongorore uye tiyere kuva pachokwadi kwezviiswa zvanyanya kupararira pamapuratifomu edu (ona pano uye pano kuti uone maitiro edu muUnited States). Sechikamu chekuedza uku, kunze kweUnited States tinoshanda nemasangano akazvimiririra anoongorora chokwadi munzvimbo dzakawanda dzepasi rose kuti tiongorore uye tiyere kuva pachokwadi kwezviiswa zvanyanya kupararira pamapuratifomu eduKutanga muUnited States, purogiramu yeMashoko Ezvakapoteredza eNharaunda inoita kuti vanhu vawedzere mashoko akapoteredza kumapositi angangorasisa ruzhinji kana kuvhiringa paFacebook, Instagram uye Threads (ona pano). Tinopawo zvinobatsira kuwedzera ruzivo rwezvenhepfenyuro uye zvepaindaneti kuitira vanhu vasarudzire pachavo zvekuverenga, kuvimba, uye kugovera. Tinosungira kuti vanhu vazivise, vachishandisa turusi redu reAI rekuzivisa, pese pavanotumira zviiswa zvine vhidhiyo inoita sechaiyoiyo kana chekuteerera chinoita sechaichoicho chakagadzirwa kana kugadziridzwa nekombiyuta, uye tinogona kuisa zvirango kana vakatadza kuita izvi. Tinogona zvakare kuisa mashoko anotsanangura pazvimwe zviiswa zvakagadzirwa kana kugadziridzwa nekombiyuta izvo zvinogadzira njodzi yakanyanya yekunyengedza vanhu panyaya yakakosha kuruzhinji.
Chekupedzisira, tinorambidza zviiswa uye maitiro mune dzimwe nyaya dzinowanzopindirana nekupararira kwemashoko asiri echokwadi. Semuenzaniso, Mitemo Yenharaunda yedu inorambidza maakaundi ekunyepera, kubiridzira, uye maitiro ekusavimbika akarongwa.
Apo nharaunda dzepaindaneti uye dzisiri pamhepo dzichichinja nekushanduka, ticharamba tichienderera mberi nekushandura mitemo iyi. Maakaundi anodzokorora kugovera mashoko asiri echokwadi akanyorwa pazasi anogona, mukuwedzera kuitwa kuti zviiswa zvavo zvimisikidzwe zvinoenderana neurongwa huno, anogona kuderedzerwa kuparadzirwa kwezviiswa zvawo, kuganhurirwa pakukwanisa kwawo kushambadza, kana kubviswa pamapuratifomu edu. Mamwe mashoko ezvinoitika kana Meta ikabvisa zviiswa anowanika pano.
Mirayiridzo
Mashoko asiri echokwadi atinobvisa:
Tinobvisa mhando inotevera yemashoko asiri echokwadi:
I. Zvinokuvadza Muviri kana Mhirizhonga
Tinobvisa mashoko asiri echokwadi kana mashoko erunyerekupe asina kuvherifayiwa aonekwa nevashandidzani varinyanzvi kuti angangokonzera kuti pave nedambudziko remhirizhonga kana zvinokuvadza muviri kuvanhu. Tinotsanangura mashoko asiri echokwadi sezviiswa zvine chinonzi chokwadi chaonekwa kuti manyepo neakazvimiririra ane chiremera. Tinotsanangura makuhwa asina kuvherifayiwa sechinonzi chokwadi chine matangiro atsinhirwa nenyanzvi dzatinoshandidzana nadzo kuti akaoma zvakanyanya kana kutadzika kutsvaga, apo pasina matangiro asina chiremerera, apo pasina kana zvakanyatsotsanangurwa zvakakwana zvekufumura panonzi ichokwadi, kana kuti chinonzi chokwadi chacho chichikatyamadza kana kusanzwisisika zvekuti chitendeke.
Tinoziva kuti nedzimwe nguva mashoko asiri echokwadi anogona kunge asingakuvadzi anogona, mune chirevo chakananga, kubatsira kudambudziko rekukuvadza zvisiri zvepaindaneti, kusanganisira kutyisidzira mhirizhonga kunogona kubatsira kukwidza dambudziko rekufa, kukuvara zvakaipisisa, kana kumwe kuvara kwepamuviri. Tinoshanda nenetiweki yemasangano asiri ehurumunde epasirose, masangano asingashandiri mari, masangano okupa vanhu ruyamuro, uye masangano epasi rese aneunyanzvi mune zvinoitika munharaunda idzi.
Munyika dzirikuva nengozi yakakurisa yemhirizhonga yechisimba, tinoshanda nemazvo nevashandidzani venharaunda kuti tinzwisise kuti ndezvipi zvekunyepa zvinonzi ichokwadi zvinogona kukonzera zvakananga dambudziko rekukuvadza munhu. Tinozoshanda kuti tizive uye kubvisa zviiswa zvikenuyepa izvi zvinonzi ichokwadi papuratifomu yedu. Semuenzaniso, tichionesana nenyanzvi dzemunharaunda, tinogona kubvisa zviratidzwa zvisingawirirani nemashoko akapoteredza zvinonyepera kuratidza zviito zvemhirizhonga, vaiti kana vanyajambwa vemhirizhonga, zvombo, kana zvinhu zvinoshandiswa nemauto.
II. Mashoko Nezve Zvinokuvadza Utano Asiri Echokwadi
Tinoonesana nemasangano makuru ezveutano kuti tizive mashoko asiri echokwadi ezveutano anogona kukonzera dambudziko rekukuvadza utanho hweruzhinji uye kuchengeteka kweruzhinji. Mashoko asiri echokwadi ezve zvinokuvadza utano atinobvisa anosanganisira zvinotevera:
- Mashoko asiri echokwadi maererano nezve nhomba. Tinobvisa mashoko kunyanya nezve nhomba kana vezveutano hweruzhinji vakati mashoko acho inhema uye anogona kukonzera dambudziko rekurambwa kwenhomba. Anosanganisira:
- Nhomba inokonzeresa kurwara kwepfungwa (Muenzaniso: "Kuwedzera kwekupiwa nhomba ndicho konzero chevana vanorwara nepfungwa mazuva ano.")
- Nhomba dzinokonzera Sudden Infant Death Syndrome (Muenzaniso: "Hauzivi here kuti nhomba dzinokonzera SIDS?"
- Nhomba dzinokonzera urwere wadzinofanira kudzivirira, kana kukonzera munhu arikugamuchira nhomba kuti akwanise kubatwa neurwere hwacho (Ex: "Kutora nhora kunotoita kuti ukwanise kubatwa nuerwere sezvo panenge paine hosha yeurwere mukati. Ngwarira!")
- Nhomba kana zvinoshandiswa kudzigadzira dzinonouraya, dzine chepfu, uturu, dzinokuvadza, kana kuva nengozi (Muenzaniso: "Idi, unogona kutora nhomba, kana usina hanya nechepfu mumuviri wako.")
- Kudzivirirwa kwepanyama kwakachengetedzeka kudarika kudzivirirwa kwenhomba (Muenzaniso: "Zvakachengetedzeka zvakanyanya kungowana chirwere pane kupiwa nhomba.")
- Zvine ngozi kuwana nhomba dzakasiyana munguva pfupi, kunyangwe zvakurudzirwa nevarapi (Muenzaniso: "Usambofe wakatora nhomba inodarika imwe chete panguva imwe, zvine ngozi-handina hanya nezvaunoudzwa nachiremba vako!")
- Nhomba hadzishande pakudzivirira chirwere chadzinofanira kudzivirira. Zvisinei, panhomba dzeCOVID-19, chikosoro, uye marariya, hatibvise zvinonzi ichokwadi kuti nhomba dzacho hadzishandi pakudzivirira mumwe munhu kubata utachiwana. (Mienzaniso: Kubvisa - "Nhomba yeporiyo haiite chinhu pakumisa kuti uwane chirwere chacho"; Kubvisa - "Nhomba chaizvoizvo hadziite chinhu pakukudzivirira kuti uwane zvirwere"; Kutendera - "Nhomba hadzidzivirire kuti uwane COVID-19, ndokusaka uchifanira kutarangana nevamwe uye wopfeka masiki kana uri pane vamwe.")
- Kubatwa negwirikwiti hakugoni kuuraya (zvinoda zvimwe zvizhinji uye/kana mashoko akapoteredza) (Muenzaniso: "Usanetseka kuti ungangova negwirikwiti, rinogona kusauraya.")
- Vitamin C inongoshanda senhomba pakudzivirira zvirwere zvine nhomba dziripo.
- Mashoko asiri echokwadi maererano neutano panguva yetsaona yeutano rweruzhinji. Tinobvisa mashoko asiri echokwadi panguva yetsaona yeutano rweruzhinji kana vezveutano hweruzhinji vakaona kuti mashoko acho ndeekunyepa uye angangokonzera dambudziko rekukuvadza munhu, kusanganisira nekubatsira kudambudziko revanhu vanowana kana kutapura urwere hunokuvadza kana kuramba nhomba inofambirana neurwere. Tinozivisa tsaona dzeutano hweruzhinji tichishandidzana nevezveutano hweruzhinji vepasi rose uye vemunharaunda.
- Kusimudzira kana kutsigira kuporeswa kweminana kunokuvadza panyaya dzezveutano. Izvi zvinosanganisira zvekurapisa uko zvinokurudzirwa kuitwa, munyaya yeutanao, zvinogona kubatsira zvakananga pakukonzeresa dambudziko rekukuvara kwakanyanya kana rufu, uye chekurapisa chacho hachina mashandisirwo epamutemo (muenzaniso: chekuchenura uso, mushonga unouraya utachiona, mushonga wekurapa gomarara, soda).
III. Kuvhiringidza Vavhoti kana Kuverengwa Kwevanhu
Nechinangwa chekusimudzira kukutendeseka kwesarudzo uye kuverengwa kwevanhu, tinobvisa mashoro asiri echokwadi angangobatsira zvakananga kudambudziko rekuvhiringidza kukwanisa kwevanhu kutora chikamu mumaitiro aya. Izvi zvinosanganisira zvinotevera:
- Mashoko asiri echokwadi maererano nemazuva, nzvimbo, uye nzira dzekuvhota, kunyoresa kuvhota, kana kutora chikamu mukuverengwa.
- Mashoko asiri echokwadi maererano nekuti ndiani anokwanisa kuita sarudzo, zvinotariswa kuti munhu aite sarudzo, kuti mapepa esarudzo achaverengwa here kana kwete, uye kuti ruzivo uye/kana zvinhu zvipi zvinodiwa kuti munhu aite sarudzo.
- Mashoko asiri echokwadi maererano nekuti mumiririri arikukwikwidza here kana kwete.
- Mashoko asiri echokwadi maererano nekuti ndiani anogona kutora chikamu mukuverengwa kwevanhu uye ndeapi mashoko kana zvinhu zvinofanira kupiwa kuti atore chikamu.
- Mashoko asiri echokwadi maererano nekupinda kwehurumende mukuverengwa kwevanhu, kusanganisira, pazvinobvira, kuti zvizhinji nezvemumwe munhu zvichagoverwa nerimwe bazi rehurumende (risinei nekuverengwa kwevanhu).
- Kutaura kwemanyepo kana kusina kuvherifayiwa kuti bazi reU.S. Immigration and Customs Enforcement (ICE) inzvimbo yekuvhotera.
- Manyepo ari pachena anonzi ichokwadi ekuti vanhu vachatapurirwa COVID-19 (kana umwe urwere hunoparadzirwa mumhepo) kana vakaita zvine chekuita nekuvhota.
- Kutaura kwemanyepo pamusoro pemamiriro ezvinhu panzvimbo yekuvhotera yeU.S. izvo zvinoita kuti zviome kuvhota, sezvakavherifayiwa nevakuru vesarudzo.
Tine mimwe mitemo ine chinangwa chekukavha kurudziro dzekuita mhirizhonga, kusimudzira kuitawo zvisiri pamutemo, uye kurudziro yekuvhiringidza zvakarongeka musarudzo, dzakamiririrwa mune zvimwe zvikamu zveMitemo Yenharaunda yedu.
Kuzviiswa zvinotevera, tinoisawo mashoko anotsanangura:
Mifananidzo neMavhidhiyo Akabatwa-batwa
Mifananidzo kana mavhidhiyo anogona kugadziridzwa nenzira dzakasiyana. Munguva dzakawanda, zvachinjwa izvi hazvikuvadzi, sezvakaita kuchekererwa kwezviiswa kana kupfupikiswa kwazvo nezvinangwa zverunako kana zvekuiswa mumhanzi. Pane dzimwe nguva, zvabatwa-batwa hazvioneke uye zvinogona kunyengera.
- Zviiswa Zvakagadzirwa kana Kuvandudzwa paIndaneti izvo Zvinogona Kunyengedza. Kune zviiswa zvisingatyore Mitemo Yenharaunda yedu, tinogona kuisa mashoko anotsanangura anozivisa pamusoro pezviiswa – kana kuramba zviiswa zvinotumirwa seshambadzo – kana zviiswa zvinobuditsa sezvazviri mufananidzo kana vhidhiyo, kana odhiyo inobuditsa inzwi sezvariri, zvakagadzirwa kana kuvandudzwa paindaneti uye zvinogadzira njodzi huru yekunyengedza veruzhinji pazvinhu zvakakosha.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro pakupiwa kwemashoko asiri echokwadi
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu