Zviiswa, Zvigadzirwa, kana Masevhisi Anotyora Mutemo Wemunharaunda

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Kana vanotungamirira kana masangano ehurumende achivimba kuti zviiswa zviri pamasevhisi edu zvinopesana nemitemo yemunharaunda, vanogona kutikumbira kuti tidzore zviiswa zvacho. Masangano asiri ehurumende uye veruzhinji vanogonawo kutumira maripoti anomhan'ara kuti zviiswa hazvisi pamutemo. Tinogonawo kuwana mitongo yematare ezvemutemo.
Kana tikagamuchira ripoti kana mutongo, tinotanga tauongorora tichienzanisa neMitemo Yenharaunda. Kana tikaona kuti zviiswa zvacho zviri kutyora mitemo yedu, tinozvibvisa. Kana zviiswa zvisingapesani nemitemo yedu, maererano nekuzvipira kwedu senhengo ye Mubatanidzwa Wenetiweki Pasi Rose uye Mutemo Wekodzero Dzevanhu Pamabasa wedu, tinoita ongororo yakadzama yepamutemo pamwe chete nekuita ongororo yekodzero dzevanhu kuti tione kuti zviri kumhan'arwa ndizvo here.
Kana tichidavira kuti zvamhan'arwa hazvisirizvo pamutemo, zvapfurikidza nyaya chaiyo iripo, kana kuti hazvisi kuenderana nezvinotarisirwa zvekodzero dzevanhu munyika dzakawanda, tinogona kukumbira kunyatsojekeserwa kana kusatora danho ripi zvaro.
Patinotorera zviiswa matanho tichitsamira pamitemo yenharaunda panzvimbo peMitemo Yenharaunda, tinowanzodzora kuwanika kwezviiswa munharaunda chete yazviri kunzi ndimo mazviri kufungidzirwa kuti zviri kutyora mitemo uye hatina zvimwe zvirango zvatinopa kana zvidzoreso zvenguva yemberi. Tinozivisawo mushandisi abatwabatwa nazvo.
Tinotsikisawo maripoti anodonongodza ongororo dzatinoita maripoti ezviiswa zvinotyora mutemo wemunharaunda uye zviitiko apo takadzora mvumo yekuwana zviiswa munyaya idzodzo, anowanika pano.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezviiswa, zvigadzirwa, kana masevhisi anotyora mutemo wemunharaunda
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu