Maitiro Ekusavimbika

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Maitiro Ekusavimbika zvinoreva mhando dzakasiyana-siyana dzakadzama dzekunyengedza, anoitwa nemubatanidzwa wezvinhu zvisiri pachokwadi zvinenge zvichidzorwa nemunhu kana vanhu vamwe chete, nechinangwa chekunyengedza Meta kana nharaunda yedu kana chekunzvenga kumisikidzwa kwemitemo kunoitwa pasi peMitemo Yenharaunda.
Vavengi vanorwisa kuchengetedzeka kwepaindaneti pavanoshandisa rupawo rwekunyepera pakuita Maitiro Ekusavimbika eunyanzvi, vanoita zvatinotsanangura sekuti Kushandiswa Zvine Chitsotsi Kwemaakaundi Akawanda (CIB muChirungu).
Maitiro uye mitemo yekuita kuti mitemo itevedzwe inoshanda zvisinei nezviiswa kana maonero uye inogadzira nzvimbo yekuti vanhu vanogona kuvimba vanhu uye nharaunda dzavanodyidzana nadzo.
Kana tikaziva manetiweki aya, tinobvisa maakaundi, Mapeji, Magurupu ekunyepera, kana zvimwe zvigadzirwa zveMeta zvinopinda zvakananga mumaitiro aya. Muzviitiko zvekuti vanhu ava vanogadzirawo, kumanejawo, kusanganisira, kunangawo, kana kudzorawo Mapeji, Magurupu kana nharaunda dzinomiririra masangano echokwadi asiri kupinda mumaitiro ekutyora mutemo, tinogona kutora matanho ekubvisa vanhu vari kutyora mutemo asi totendera vanhu uye nharaunda dzisiri kuita zviri kuitwa kuti dzirambe dziri pamasevhisi edu.
Pese pazvinobvira, tinobudisa zvatinowana nezvemanetiweki eKushandiswa Zvine Chitsotsi Kwemaakaundi Akawanda muMaripoti Ekutyisidzira Kwemuvengi paIndaneti, anowanika pano. Maripoti aya haana kugadzirirwa kupedzeredza kumisikidzwa kwese kwemitemo pasi pemutemo weMaitiro Ekusavimbika, asi anobatsira kupa nharaunda yedu nzwisiso yezvinhu zvakaipa zviri kuchinja-chinja zvatinogona kusangana nazvo panzvimbo ino.
Hatitenderi:
Kugadzirwa, kushandiswa, kana kushandiswa kusina umboo kweMidziyo yeMeta Isiri Yechokwadi (Maakaundi, Mapeji, Magurupu, nezvimwe) kuitira:
  • Kunyengera Meta kana vashandisi vedu maererano nerupawo, kana matangiro akaita vateereri kana sangano ravari kumiririra
  • Uchiita kuti Unzvenge kumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yedu.
  • Kusashandisa nemazvo masisitimu ekuripota uchiitira kushungurudza, kutyisidzira kana kunyararidza vamwe.
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise kumisikidza:
Hatitenderi:
  • Masangano anoita, kana kutaura zvisina umboo achiti anoita Kushandiswa Zvine Chitsotsi Kwemaakaundi Akawanda, kunotsanangurwa semhando dzeunyanzvi dzeMaitiro Ekusavimbika apo maakaundi ekusavimbika anenge ari muzinda wezvinoitwa uye vanozviita vanoshandisa nzira dzekutyisidizra kuti vanzvenge kuzivikanwa kana kuita sevepachokwadi, uye
  • Masangano anoita, kana kutaura kusina umboo kuti anoita Kupindira Kwevari Kunze, kunotsanangurwa seKushandiswa Zvine Chitsotsi Kwemaakaundi Akawanda apo vanotarisa manetiweki vasiri munyika imwe chete nevateereri vakanangwa neoparesheni
  • Hurumende dzinovhara soshari midhiya kuti dzishandise mapazi dhipatimendi adzo epamutemo, mapazi, nenzvimbo dzevamiririri venyika kuti hurumende idzodzo dzirambe kushandiswa kwesimba kana zviitiko zvemhirizhonga pachitaurwa nyaya yekurwiswa kwenyika mukutyorwa kweChikamu 2(4) chebumbiro reUN.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvemaitiro ekusavimbika
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu