Mukuedza kwedu kudzivisa kana kuvhiringidza kukuvadza, tinobvisa zviiswa zvinobatsira kana kuti zvinoronga kubatirirwa kwevanhu, kusanganisira kuendesa vanhu kune imwe nzvimbo zvisiri pamutemo. Tinotsanangura kuita vanhu nhapwa sebhizimusi rekutorera munhu rusununguko rwake pamusana pekuda cheuviri. Ndiko kuita vanhu nhapwa nechinangwa chekuvamanikidza kuita zvebonde rinobhadharwa, kuvashandisa mabasa, kana zvimwe zviito zvavasingadi. Kunotsamira pakunyengedza, kumanikidza uye kumbunyikidza, uye kunobvisa vanhu chimiro kuburikidza nekuvatorera rusununguko rwavo asi kuchibatsira vamwe mune zveupfumi kana nezvinhu.
Kuita vanhu nhapwa kune mhando dzakasiyana-siyana uye kunoitika pasi rese; kunogona kubata chero munhu pasinei nezera, mamiriro ezvemari kana ekugarisana nevamwe, tsika, kuva munhukadzi kana munhurume kana nzvimbo. Kune mhando dzakasiyana-siyana, uye kuita vanhu nhapwa kwese zvako kune matanho akasiyana-siyana akunotevedza. Nekuda kwekushungurudza uku kuine kumbunyikidza, hazviiti kuti vari kushungurudzwa vatenderane nako.
Kunyange zvazvo tichida kungwarira kuti tisati kuendesa vanhu kune imwe nzvimbo zvisiri pamutemo kumwe chete nekupinza vanhu munyika zvechitsotsi, zvinogona kufanana uye zvinogona kunge zviine kakubatana. Sangano reUnited Nations rinotsanangura kupinza vanhu munyika zvechitsotsi sekuwana kana kubatsira vanhu kupinda munyika zvisiri pamutemo vachidarika nepamiganhu yenyika dzepasi rese. Kunyange kana pasina kumbunyikidza kana kumanikidza, kunogona kungoguma nekubatirirwa kwevanhu vasina anovadzivirira avo vari kuedza kubuda munyika dzavo, kakawanda kacho vanochitsvaga upenyu huri nani. Kupinza vanhu munyika zvechitsotsi imhosva inenge yaparirwa hurumende, ine chekuita nekufambiswa kwevanhu,uye kuendesa munhu kune imwe nzvimbo zvisiri pamutemo imhosva inenge yaparirwa munhu wacho, ine chekuita nekubatirira munhu.
Pamusoro pekushoropodza zviiswa, kuzivisa vanhu nezve, kana kutaurwa kwenhau pamusoro pekuita vanhu nhapwa kana nyaya dzekupinza vanhu zvechitsotsi, tinobvumira zviiswa zvichibvunza kana kugovana mashoko nezvekuchengetedzwa kwevanhu uye kuyambuka muganhu, kutsvaga hupoteri kana kubuda munyika.
Usatumira:
Zviiswa, zviito kana kuwadzana kunotsvaga vanhu, kuita zvive nyore kana kudzvinyirira vanhu kuburikidza nechero chenzira dzinotevera dzekuita vanhu nhapwa:
Kuita vanhu nhapwa nezvepabonde (chero chimwe chezviito zvekutengeserana zvepabonde neasati abva zera kana chero chiito chezvekutengeserana zvepabonde nemunhu mukuru chinosanganisira chisimba, chitsotsi kana kumanikidza)
Kutengeswa kwevana kana kuva muchengeti wavo zvisiri pamutemo
Kuendesa vana vasina vabereki kune imwe nzvimbo zvisiri pamutemo uye kuvaita kuti vashanyire nzvimbo kwavanonoitiswa mabasa ekuyamura
Wanano dzekumanikidzwa (kusanganisira kuwanana kwevana)
Kubatirirwa pabasa (kusanganisira basa rekushanda semuranda)
Mashandiro euranda ebasa remumba
Kutengesa nhengo dzemuviri dzisingakure, zvisingasanganisiri kubvisa nhengo yemuviri, kupa rubatsiro, kana kusima nhengo yemumwe munhu munyaya yekupa nhengo kusingabiridziri
Mabasa ekumanikidza kupara mhosva (semuenzaniso, kumanikidza kupemha, kumanikidza kutengeserana zvinodhaka)
Kuitwa mauto kwevana
Zviiswa zvekuti mumwe munhu anotsvaga, oita zvive nyore kana owana rubatsiro (ingava iri mari kana zvimwe) kubva kuchiito chezvekutengeserana zvepabonde
Zviiswa zvinopa rutsigiro kana zvinobatsira kupinzwa kwevanhu munyika zvechitsotsi
Zviiswa zvinokumbira masevhisi ekupinza vanhu munyika zvechitsotsi
Tinotendera zviiswa zvinodzivirirwa nemutemo uyu kana zvikatumirwa mukushora, kudzidzisa, kuzivisa vanhu kana mukutaurwa kwenhau.
Pasi pemitemo yedu yeKuita Vanhu Nhapwa, vaongorori uye masisitimu anoshanda oga edu anogonawo kutarisa zvinongedzo zvemaitiro kuti abatsire kuwana uye kutora danho pamaakaundi anotyora mutemo.
- Tinogona kubvisa maakaundi zvakatsamira pawadzano dzavo neamwe maakaundi ari kutyora mutemo, kutsvaga kana kuwadzana nezvinhu zvinotyora mitemo, kana kuva nhengo munharaunda (sekuti Magurupu) atabvisa nekuda kwekutyora mitemo yedu.
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise: