Maitiro Eruvengo
Mashoko akawanda nezveMutemo
CHINJA ROGU
Nhasi
7 Ndi 2025
29 Kuk 2024
5 Zvi 2023
25 Chv 2023
23 Mbu 2022
28 Chg 2022
30 Chk 2022
24 Mbu 2021
28 Gum 2021
23 Chk 2021
28 Ndi 2021
18 Mbu 2020
12 Gum 2020
23 Gun 2020
11 Nya 2020
30 Chg 2020
22 Chk 2020
26 Kur 2020
27 Kuk 2020
16 Zvi 2019
30 Gum 2019
26 Nya 2019
30 Chg 2019
1 Chg 2019
20 Kur 2019
31 Nya 2018
25 Chv 2018
Zvikonzero Zvemutemo
Tinodavira kuti vanhu vanoshandisa izwi ravo uye vanodyidzana nevamwe zvakawedzera kusununguka kana vachiona kuti havasi kurwiswa pamusana pekuti ndivanaani. Ndokusaka tisingatenderi maitiro eruvengo paFacebook, Instagram, kana Threads.
Tinotsanangura maitiro eruvengo sekurwisa vanhu zvakananga — pane kuatsanangura semaonero kana masangano — pamusana pezvatinoti hunhu hwemunhu hwakachengetedzwa (maPC): rudzi, tsika, nyika inobviwa, urema, zvechitendero zvinodavirwa, boka rakasanangurika, sarudzo yemunhu panhau dzebonde, kuti munhui, zvinodavirwa nemunhu nezvekuti murume here kana munhukadzi, uye chirwere chakakomba. Pamusoro pezvo, tinoona zera sechine chekuita nevanhu chakachengetedzwa parinotaurwa nezvaro pamwe chete nechimwe chine chekuita nevanhu chakachengetedzwa. Tinochengetedzawo vapoteri, vanhu vakaenda kudzimwe nyika, vanhu vakauya munyika, uye vari kutsvaga kupotera pakurwiswa kwakaipisisa, (Danho 1 riri pazasi) kunyange zvazvo tichitendera kutaurwa nezve kana kushoropodzwa kwemitemo yekuuya kunogara munyika. Zvakangofananawo ndezvekuti, tinopa zvinochengetedza zvinhu zvisina kuchengetedzwa zvakadai sebasa, parinotaurwa nezvaro pamwe chete nechine chekuita nevanhu chakachengetedzwa. Dzimwe nguva, zvichienderana nemataurirwo anoitwa munharaunda, tinotendera mamwe mashoko kana zvikamu zvemashoko anoshandiswa kakawanda kumiririra zvinhu zvine chekuita nevanhu zvakachengetedzwa.
Tinobvisa matauriro anobvisa chimiro, kupomera kusava netsika kana kupara mhosva kwakaipisisa, uye zvibhende. Tinobvisawo kushandiswa kwezvinokuvadza mapoka evanhu, kwatinotsanangura sekuenzanisa kunobvisa chimiro kwaishandiswa kubvira kare pakurwisa, kutyisidzira, kana kusiya kunze mamwe mapoka, uye kunowanzobatanidzwa nemhirizhonga isiri yepaindaneti. Chekupedzisira, tinobvisa kutuka kwakaipisisa, matauriro ekuzvidza kana kusemeswa, kutuka, uye kudaidzira kuti vamwe vasiyiwe kunze kana kusarura vamwe pakunenge kwakanangidzirwa pazvine chekuita nevanhu zvakachengetedzwa. Tinopatsanura mashoko aya kuaisa mumatanho anoratidza mwero wekuipa, anotsanangurwa pazasi apa.
Tinoziva kuti dzimwe nguva vanhu vanotumira zviiswa zvine zvibhende kana mashoko emumwe munhu nechinangwa chekushora mashoko acho kana chekuamhan'arira. Pamwe pacho, mashoko, kusanganisira zvibhende, ayo aizenge achityora mitemo yedu anoshandiswa achireva nyakuataura kana kuti nenzira yekupa simba. Tinotendera mhando iyi yemashoko chinangwa chemutauri pachinenge chakajeka. Kana chinangwa chisina kujeka, tinogona kubvisa zviiswa zvacho.
Dzimwe nguva, vanhu vanoshandisa mutauro usingabudisi kuti munhukadzi here kana munhurume ari kurehwa panenge pachikurukurwa zvekuwanika kwenzvimbo dzinowanzodzorwa nekuti munhu munhukadzi here kana munhurume, sezvakaita kupinda muzvimbudzi, zvimwe zvikoro, zvechiuto zvakati, kumisikidzwa kwemutemo, kana mabasa ekudzidzisa, uye magurupu eutano kana erutsigiro. Dzimwe nguva, vanodaidzira kuti pave nekusiya kunze kana kushandisa mutauro wekutuka panenge pachitaurwa nyaya dzezvematongerwo enyika kana dzezvitendero, sepaya panenge pachikurukurwa kodzero dzekuva zvakasiyana-siyana zvine chekuita nekuva vanhurume kana vanhukadzi, kuuya kuzogara munyika, kana zvechingochani. Chekupedzisira, vamwe vanhu vanotuka kuva munhurume kana munhukadzi panenge pachitaurwa nyaya yekurambana. Mitemo yedu yakagadzirirwa kupa nzvimbo kumhando idzi dzemashoko.
Usatumira:
Danho 1
Zviiswa zvakananga munhu kana boka revanhu (kunze kwemapoka anotsanangurwa seakapara mhosva dzemhirizhonga kana dzezvepabonde kana kuti anomiririra chikamu chinodarika chidimbu cheboka) zvichitsamira pazvinhu zvine chekuita nevanhu zvawo zvakachengetedzwa zvataurwa kare, kana kuti paamire panyaya dzekuuya kunogara munyika zvakaita zvekunyorwa kana kuti zvinooneka, ne:
- Mashoko ekuzvidza anotaurwa ari ekuenzanisa ne kana kuti ari kungotaurawo nezvemhuka, utachiona, kana zvimwe zvinhu zvinoderedzera vanhu, kusanganisira:
- Zvipembenene (kusanganisira asi kwete kugumira pa: mapete, mhashu)
- Mhuka pachadzo kana mhando dzemhuka dzinoonekwa sedzakaderera (kusanganisira asi kwete kugumira kune: Vanhu vatema netsoko kana zvisikwa zvakaita setsoko; Vanhu vechiJudha nemakonzo; Vanhu vechiMuslim nenguruve; Vanhu vekuMexico nemakonye)
- Mabhakitiriya, mavhairasi, kana mamicrobes
- Kuderedzera vanhu (kusanganisira asi kwete chete: masavage, madhimoni, mamonster)
- Kupomera kusava netsika uye kupara mhosva kwakaipisisa:
- Vanhu vanoita zvepabonde uye vanoita zvepabonde nevana (kusanganisira asi kwete kugumira ku: vanhu vechiMuslim vanoita zvepabonde nembudzi kana nguruve)
- Matsotsi ane chisimba (kusanganisira asi kwete chete: magandanga, mhondi)
- Kudaidzira kana kutarisira kuti zvinokuvadza zvinotevera zviitike (kutyisidzira kusiri kwekutamba kana kuti kwakananga uye kudaidzira kuti pave nemhirizhonga zvinotaurwa nezvazvo pasi pemutemo wedu weMhirizhonga Pamwe Nekuikurudzira):
- Kubatira chirwere
- Kusangana nenjodzi dzemamiriro ekunze
- Kuzvikuvadza kana kuzviuraya
- Kufa asi pasina kutaurwa muurayi kana nzira yekufa nayo
- Tsaona kana zvimwe zvinokuvadza muviri zvisina ari kunzi ndiye achazvikonzera kana kuti zvichikonzerwa namwari
- Maonero anokuvadza akabvira kare kare ane chekuita nekutyisidzira kana mhirizhonga, sezvakaita Kuzora ruvara rutema kwevarungu; Kuramba Holocaust; kutaura kuti vanhu vechiJudha vanodzora masangano ezvemari, ezvematongerwe enyika, kana kuti anobudisa nhau; uye kutaura Dalits sevashandi vebasa rakaderera; uye kuenzanisa vanhu Vatema nezvishandiswa zvepapurazi.
- Kuita dambe nemafungiro, zviitiko kana vanhu vakaparirwa mhosva dzeruvengo kunyange kana pasina munhu chaiye ari kuratidzwa mumufananidzo.
- Kuita dambe nevanhu pamusana pekurwara kana kuti nekurwarirwa.
- Zviiswa zvinotsanangura kana kunanga zvisizvo vanhu nezvibhende. Zvibhende zvinotsanangurwa semashoko anokonzeresa kuti pave nemweya wekusiya kunze vamwe vanhu uye kuvatyisidzira nekuda kwezvine chekuita navo zvakachengetedzwa, kazhinji nekuti mazwi aya akabatana nenhoroondo yerusarura, udzvanyiriri, uye mhirizhonga.
Danho 2
Zviiswa zvakananga munhu kana boka revanhu zvichitsamira pazvine chekuita navo zvakachengetedzwa (zvakaita zvekunyorwa kana kuti zvinooneka):
- Kudaidzira kana kutsigira kuti pave nekusiyiwa kana kusarurwa kana mashoko ane chinangwa chekusiya kana kusarura, zvinotsanangurwa se:
- Kusiyiwa mune zvakakura, izvo zvinoreva kudaidzira kuti pave nekusiyiwa kwevanhu kwakakura kana kusarura, sekuti “Hapana X anotenderwa!”
- Kusiyiwa mune zvematongerwo enyika, izvo zvinoreva kurambidzwa kodzero dzekupinda muzvematongerwo enyika zviri kuitwa kana kumirizikira kuiswa mujeri kwevanhu kana kurambidzwa zvematongerwo enyika.
- Kurambidza vamwe panyaya dzezveupfumi, izvo zvinoreva kuvarambidza mukana wekuwana zveupfumi zvavanofanira kuwana uye kuderedza zvavanoita pamusika wevashandi nevashandirwi. Tinotendera kumirizikira kudzorwa kwemabasa ezvechiuto kwakatsamira pakuti munhurume here kana kuti munhukadzi, ekumisikidzwa kwemutemo, uye eurayiridzi. Tinotenderawo zviiswa zvimwe chete izvozvo zvichitsamira pasarudzo yemunhu panhau dzebonde, kana zviiswa zvacho zviine chekuita nezvinodavirwa zvechitendero.
- Kusiyiwa pamagariro, kureva zvinhu zvakadai sekurambidzwa kuwanawo pako (nzvimbo chaiyo uye yepaindaneti) uye masevhisi emagariro evanhu, kunze kwekusiyiwa kwakatsamira pakuti munhui kune chekuita nenzvimbo idzo dzinowanzoganhurwa nekuti munhui, sezvakaita zvimbuzi, mitambo uye zvikwata zvemitambo, zvikwata zveutano uye zverutsigiro, nezvikoro zvakasanangurwa.
- Kutuka, kusanganisira kuya kune:
- Unhu, hunosanganisira asi husingangogumiri chete pakupomera umbwende, kusavimbika, kupara mhosva zvakowo, uye chipfambi kana kumwe kusava netsika panyaya dzebonde.
- Zvine chekuita nepfungwa dzemunhu, kusanganisira asi zvisingangogumiri pakupomera hufuza, panogumira mafungiro, uye urwere hwepfungwa, uye enzaniso dzisina umboo hunodzitsigira huri pakati pemapoka ane vanhu vane zvine chekuita navo zvakachengetedzwa zvichitsamidzwa pamafungiro ekuzvarwa nawo. Tinotendera kupomera urwere hwepfungwa kana kusati kwesere kana kwakatsamidzwa pasarudzo yemunhu yekuva munhurume kana munhukadzi kana kuti panhau dzebonde, nhaurwa ine chekuita nezvematongerwo enyika uye zvechitendero maererano nekuva munhurume kana munhukadzi kusiri kwekuzvarwa nako uye ungochani, uye kushandiswa kusina kudzama kunowanzoitwa mashoko akadai sekuti “zvisingatomboiti.”
- Dzimwe nharaunda, kusanganisira, asi dzisingangopereri pakupomera kusava nematuro, kusava nebasa, kushata, huchapa.
- Matauriro ane kakureva kuti vanhu vari kutaurwa vanokonzera urwere, kusanganisira, asi kwete chete kukutaura kwekuti “vanondirutsisa.”
- Kutuka kwakananga, kunze kwekumwe kutuka kwepanorambana vanhu vanga vachidanana, kunotsanangurwa se:
- Kutuka kwakanangidzirwa munhu kune shoko rekuti “fuck” kana mamwe mataurirwo akasiyana-siyana ekuti “fuck” nechinangwa chekutuka, sekuti “Fuck [potaurwa Zvine Chekuita Nevanhu Zvakachengetedzwa]!”
- Mazwi kana mapoka emashoko anotaura zvekuda kuita bonde nemunhu, kana kubata sikarudzi, kunobuda netsvina, tsvina yemunhu kana weti, kusanganisira, asi kwete chete aya: svisvina mboro yangu, tsvoda garo rangu, idya dhodhi.
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
Usatumira:
- Zviiswa zvinopa kana zvinowanisa zvigadzirwa kana masevhisi akananga pakuda kushandura kuva ngochani kana kwete kwevanhu kana kuva kwavo vanhukadzi kana vanhurume.
- Zviiswa zvinorwisa urongwa, masangano, mafungiro, maitiro, kana zvinodavirwa zvine chekuita nevanhu zvakachengetedzwa, izvo zvine mukana wakakura wekukuvadza, kutyisidzira kana kusarura vanhu vane zvine chekuita navo zvakachengetedzwa. Meta inotarisa zviratidzo zvakasiyana-siyana kuti ione kana muzviiswa muine zvinhu zvinokuvadza. Izvi zvinosanganisira, asi kwete izvi chete: zviiswa zvinogona kukurudzira mhirizhonga kana kutyisidzira; kungava kuti inguva yekusagadzikana kwakawedzera kwakadai sekwepasarudzo kana pakukakavadzana kuri kuenderera mberi; uye kungava kuti pane zvichangobva kuitika zvine chekuita nemhirizhonga yanga yakaitirwa boka rakachengetedzwa. Pamwe pacho, tingafungawo nezvekuti mutauri wacho munhu ane mukurumbira here kana kuti ane chinzvimbo.
Pamwe pacho, tichatendera zviiswa izvo zvingave zvichityora Mitemo Yenharaunda kana zvikaonekwa kuti zviiswa zvacho ndezvekutsiurira munyambo. Zviiswa zvichangobvumirwa chete kana zvikamu zviri mutemo zvichiitwa nyambo kana kuti zvichinongedza kuchimwe chinhu kana mumwe munhu nechinangwa chekumutsvinyira kana kumutsoropodza.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nemaitiro eruvengo
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu