Maitiro Ekubiridzira uye Ekunyengedza

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Tinovavarira kuchengetedza vashandisi uye mabhizinesi kubva mukunyengedzwa mari, midziyo kana mamwe mashoko akavanzika ezvavo. Tinobudirira paizvi nekubvisa zviiswa uye kurwisa maitiro anoshandisa nemaune nzira dzekunyengedza - sekuti kunyengedza nemaune, mashoko akabiwa uye mitauro yekuwedzeredza - kuti pabiridzirwe vashandisi kana mabhizinesi, kana kukwidza kukwezvwa. Izvi zvinosanganisira zviiswa zvinotsvaga kuronga kana kukurudzira zviito izvi zvichishandisa puratifomu yedu. Tinotendera vanhu kuti vachenjedze kana kudzidzisa vamwe uyezve kusvora zviito izvi.
Hatitenderi:
Zviiswa zvinoedza kubiridzira vashandisi uye/kana mabhizinesi kuburikidza ne:
Chikwereti Chekubiridzira
Zviiswa zvino:
  • Zvinopa zvikwereti zvinoda mushandisi abhadhare muripo wepamberi kuti awane chikwereti.
  • Zvinopa zvikwereti zvine vimbiso kana ingave vimbiso yekutenderwa, zvingave zvataurwa zvakajeka kana kunzwisiswa zvisina kujeka zvakatsamira pamashoko akapoteredza (sekuti kutaura zvisina umboo kuti chikwereti chinotenderwa pasina kubvunzwa mashoko ezvemari).
  • Ziva kuti: Tinotarisawo zvimwe zvinongedzo kuti tizive kana sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvakaonekwa kuti isangano chairo uye ibhanga kana sangano rezvemari.
Kubiridzira pakubheja
Zviiswa zvino:
  • Zvinopa masevhisi ekubheja nemari chaiyo ("Mari chaiyo" imari yenyika chaiyo inogona kushandiswa kutenga zvinhu kana masevhisi munyika chaiyo, kusanganisira mari dzenyika dzakaita seMadhora ekuU.S. uye mari dzepaindaneti dzakaita seBitcoin):
    • nevimbiso yekuhwina.
    • kutaura zvisina kujeka kana kubvuma kuti zvabuda pagemhu kana mumutambo zvakagadzirwa.
    • kutsvaga vanhu kuti vabatsire kugadzira zvichabuda pamutambo kana kutsvaga rubatsiro kana mazano ekuti zvichabuda pagemhu kana pamutambo zvinogadziriswa sei.
Magemhu ekasino ekuwadzana nevamwe anoedzesera kubheja pasina mukana wekuhwina mari chaiyo ari pasi pe Mutemo Wenharaunda panyaya yeZvinhu uye Masevhisi Asingabvumirwi.
Kubiridzira Upfumi kana Mari Ine Chinangwa Chekuberekana
  • Mikana Yekuisa Mari. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa mikana yekuisa mari mhindu inobva mumari yaiswa painenge ichivimbiswa kana kuti isina njodzi.
    • Zvinopa mikana yekuisa mari apo mhindu yabva mumari yaiswa kana inobhadharwa inotsamira zvishoma kana zvizere pakupinza vamwe muchirongwa.
    • Zvinopa mukana wekuisa mari apo mukana wacho uri wemhando yekuti "pfuma nekukurumidza" uye/kana mitauro isina umboo wekuti kuisa mari shoma kunogona kuguma nemari yakawanda.
  • Kupinyura Mari. Zviiswa zvino:
    • Zvinovimbisa kuchinja uwandu hwakati hwemari kuti huwedzere kuburikidza nekupinyura kana chidavado kana urongwa hunosanganisira kutaurwa pachena kwe"kupinyura mari," kana mashoko akada kudaro.
Kubiridzira Nekupinyura Mari
  • Kupinyura Mari. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kana kukumbira kupinyura mari (zvichikonzera vari kuzviita kupinda vasingazivi mumabhizimusi emari inowanika zvisiri pamutemo vachidaro nekupa mari kana chikamu chemapurofiti zvichichinjaniswa nekutendera vamwe kuti vashandise maakaundi avo ebhengi kana kutumira mari vakamiririra vamwe vanhu).
    • Zvinopa kana kukumbira kupinyura mari nekupa basa rekuti utambire uye kutumira mari kuvamwe vanhu pachishandiswa akaundi yebhengi yemunhu.
  • Kupinza Mumabhizimusi Mari Inowanika Zvisiri Pamutemo. Zviiswa zvino:
    • Zvinokumbira, kutsvaga, kana kuzvipira kubatsira kupinza mumabhizimusi mari inowanika zvisiri pamutemo, kunova kuedza kuita kuti mari yawanikwa zvisiri pamutemo iratidze kuva yepamutemo nekuvanza kwayabva kuburikidza nematanho ekubhadhara asinganzwisisike, kusanganisira nechero nzira dzinotevera:
      • Kutsvaga kutumira mari kuburikidza neSWIFT (Society for Worldwide Interbank Financial Telecommunications) kana nzira dzakafanana,
      • Kutsvaga kana kuzvipira kupa zvizere pamhando dzemaakaundi ebhanga aripo kubatsira kuwana kana kutumira mari.
Kubiridzira Nerupawo Rusiri Pachokwadi
Zviiswa zvino:
  • Zvinoedza kubiridzira vashandisi nekunyepera rupawo rweari kutumira kana mhando yechikumbiro:
    • Kubiridzira Parubatsiro, kunova zvikumbiro zvekubiridzira zvemari kana rubatsiro rwemari nezvinangwa zvekubatsira pamwe chete nekutaura zvisina umboo kuti rubatsiro rwemari nderwekukurumidzira uye zvichisanganisira mashoko akaita semaakaundi ebhanga apo mari inogona kutumirwa.
    • Kubiridzira Nezverudo, kunova kuedza kubiridzira kuva zvekudanana paindaneti nekutsvaga ushamwari kana kudanana kusiri kwepabonde uye kupa kana kukumbira mari kana chinhu chinoenderana nemari munzvimbo yayo.
    • Kubiridzira seBhizinesi/Sangano Rakarongeka, kunosanganisira kutaura zvisina umboo kana kumiririra kwekunyepa, kutaura neinzwi rebhizinesi kana sangano rakarongeka nechinangwa chekubiridzira.
Kubiridzira neChigadzirwa kana Mubayiro
  • Kubiridzira neMari yeHurumende. Zviiswa zvino:
    • Zvinonyepera kupa mari kubva kurubatsiro rwehurumende kana chero kumwe kunobva mari yehurumende. Tinotarisa zvinongedzo zvakasiyana-siyana kuti tizive kana sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvikaonekwa kuti isangano chairo.
  • Kubiridzira neZvinobatika, zveMweya kana zveIlluminati. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa mibayiro inobatika, yakaita semari, zvigadzirwa, kana masevhisi ane hukoshi hwemari inosanganisira mari chaiyo, mari dzepaindaneti, uye zvigadzirwa chaizvo kana zvepaindaneti uye masevhsisi ekuva nhengo kana kujoina sangano, chitendero, boka rechitendero (semuenzaniso, ukama hweIlluminati).
    • Zvinopa mibayiro yekushandisa minana kana zvitsinga kana zvinhu zvemashiripiti (semuenzaniso, zvitsinga, mazango, madumwa, mishonga, kana chikwama chemasaramusi, nezvimwe).
  • Inishuwarenzi Yekubiridzira. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa ishuwarenzi yakaderedzwa mutengo zvakanyanya yemanyepo nezvikumbiro zvemubhadharo unotanga waitwa (mubhadharo wekumaneja, kana kubatisa, kana zvimwe).
    • Zvinopa inishuwarenzi yakaderedzwa mutengo zvakanyanya yemanyepo nevimbiso dzekuchengetedza mari yakawanda painishuwarenzi kana zvichienzaniswa nevanopa inishuwarenzi (zvingave chikamu che30% kana kudzika).
    • Ziva kuti: Tinotarisawo zvimwe zvinongedzo kuti tizive kana sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvikaonekwa kuti isangano chairo uye ibhanga kana sangano rezvemari
  • Kubiridzira Nezvebasa. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa mabasa ane tsanangudzo yebasa rinoitwa isina kujeka uye mikana yepfuma yekuchimbidza inovimbisa mari munguva diki kana kuti pasina zvikuru zvaitwa.
    • Zvinopa mabasa asina zvizhinji nezvebasa, zvinongonongedzera kumabasa amuka chete.
    • Zvinopa basa rinoitirwa pamba asi musoro webasa racho uchiratidza zvisina kujeka kuti mushandi haagoni kushandira pamba.
    • Zvinopa mabasa anovimbisa muhoro zuva remuhoro risati rasvika.
    • Zvinopa mabasa anonzi anotowanika.
    • Zvinopa mabasa zvichida muripo unobhadharwa basa risati rapiwa.
    • Ziva kuti: Tinotarisawo zvimwe zvinongedzo kuti tizive kana sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvakaonekwa kuti isangano chairo
  • Kubiridzira Nezvekuregerera Zvikwereti uye Kugadzirisa Zvikwereti. Zviiswa zvino:
    • Zvinovimbisa kudzima kana kubvisa kana kuderedza chikwereti nemari yakati munguva yakatarwa.
    • Zvinovimbisa kumisa kana kudzima kuunganidzwa kwezvikwereti kana mhosva dzese.
    • Zvinovimbisa kuregerera kana kukanzura chikwereti kuburikidza ne"urongwa hwehurumende hutsva" kana shanduko mumutemo kana mutauro wakada kudaro.
    • Zvinovimbisa kudzima kana kubvisa mashoko echikwereti pamaripoti ezvikwereti kana kugadzira "rupawo rwechikwereti" rutsva.
    • Ziva kuti: Tinotarisawo zvimwe zvinongedzo kuti tizive kuti sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvakaonekwa kuti isangano chairo uye ibhanga kana sangano rezvemari.
  • Kubiridzira neZvinhu Zvinopiwa Pasina Mubhadharo. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa mubayiro wakavimbiswa wemari chaiyo uchichinjaniswa nekuti vashandisi:
      • Vanyorese pachibatanidzi chemamwe mawebhusaiti.
      • Vagovere Mashoko Anozivisa Muridzi (anonzi PII) kana Zvimwe Zvine Chekuita Navo.
      • Vakurukure kunze kwepuratifomu kana papuratifomu pachishandiswa meseji yakavanzika.
      • Kusatora danho.
  • Kubiridzira Nemuripo Uchazobhadharwa. Zviiswa zvino:
    • Zvinovimbisa mari zvekunyepera ichichinjaniswa nemubhadharo unofanobhadharwa/kutumirwa mari/kubhadhara.
Kubiridzira neMadhokumendi Ekunyepa
  • Madhokumendi Ekunyepa kana Akabikwa. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kukumbira, kugadzira, kutengesa, kutenga kana kutengeserana madhokumendi ekunyepa kana akabiwa.
    • Zvinopa kutengeswa kwemavhisa kana makadhi ekushanda uye kugara zvepamutemo.
    • Zvinovimbisa kutenderwa kwevisa kana green card.
    • Zvinoita kuti vashandisi vakwanise kuwana mvumo yevhisa vasina kuzadzisa zvinowanzodinwa.
  • Mari Yekunyepera. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kutengesa, kutenga kana kutengeserana kwemari yekunyepera, kunze kwemari yemagemhu emabhodhi (semuenzaniso, mari yeMonopoly) kana paine mashoko akapoteredza akajeka kuti mari yacho ndeyezvinangwa zvemagemhu emabhodhi.
  • Mavhaucha Ekunyepa. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kugoveranwa, kutengeswa, kutengwa kana kutengeseranwa kwemavhaucha ekunyepa.
    • Zvinobvuma, kusimudzira, kana kukumbira makuponi kana mavhaucha anobatika kana epaindaneti kuti pawanikwe mutengo wakaderera neku:
      • shandisa makuponi kana mavhaucha kutenga zvinhu zvanga zvisingashandisirwi makuponi kana mavhaucha iwawo; kana
      • kushandisa makuponi kana mavaucha akaguma kushanda.
  • Masetifiketi echikoro uye edzidzo ekunyepa kana akabikwa. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kutengeswa, kutengwa kana kutengeseranwa kwemasetifiketi echikoro uye edzidzo ekunyepa kana akabikwa.
Kubiridzira neMashoko, Zvigadzirwa kana Masevhisi Akabiwa
  • Kubiridzira neKushandisa Makadhi Echikwereti Akabiwa. Zviiswa zvino:
    • Zvinosanganisira kutengwa, kutengeswa kana kutengeseranwa kwemakadhi ezvikwereti akabiwa kana zvimwe zvinhu zvemari zvinogona kushandiswa pakutenga kusina kubvumirwa (kunozivikanwawo nekuti "carding").
  • Kubiridzira nePII. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kutengwa, kutengeswa kana kutengeseranwa kweMashoko Anozivisa Muridzi (PII) kana Mashoko Akavanzika Ezvemunhu kunze kwekunge ari emunhu wekufungidzira.
  • Kubiridzira neOngororo Yekunyepa. Zviiswa zvino:
    • Zvinoshevedzera kutengwa, kutengeswa kana kutengeseranwa kweongororo kana zviyero zvechigadzirwa.
    • Zvinokurudzira vashandisi zvakajeka kana zvisina kujeka kuti vape ongororo vachichinjanisa nemutengo wakaderedzwa, kudzorerwa mari kana zvinhu zvemahara.
  • Kubiridzira Nezvekunyoresa. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kutengwa, kutengeswa kana kutengeseranwa kwezvitupa zvemasevhisi emibhadharo (zvekupindisa nazvo mumasevhisi epaindaneti zvinopa kubhadhara kunodzokororwa nguva nenguva) nekunongedzera kusevhisi inobhadharwa yepaindaneti, kungave nekuidoma zita kana kugovera chiratidzi chayo.
    • Ziva kuti: Tinotarisawo zvimwe zvinongedzo kuti tizive kana sangano riri kutumira zviiswa zvepamutemo, zvisingabiridzire, sekuti kana zvakaonekwa kuti isangano chairo uye ibhanga kana sangano rezvemari.
  • Kubiridzira Nezvechitsotsi. Zviiswa zvino:
    • Zvinosanganisira kupanana nevamwe, kutengesa, kutengeserana, kana kutengwa kwe:
      • mapepa ebvunzo dzichauya kana mhinduro dzawo.
      • Zvigadzirwa kana masevhisi anobatsira kubiridzira mubvunzo.
      • Zvigadzirwa kana masevhisi anobatsira kupasa ongororo yemadhiragi nenzira isingabvumidzwe
Kubiridzira Nekushandisa Michina Zvisingabvumirwe
  • Kubiridzira Nekubata-bata Muchina. Zviiswa zvino:
    • Shevedzera kutengwa, kutengeswa, kutengeseranwa kuna kugoveranwa kwechero michina yekuyera yakabatwa-batwa, kuchinjwa, kana yekunyepera.
    • Zvinobvuma, kusimudzira kana kukumbira kushandiswa kwekubata-batwa kwemichina kuti pawanikwe mitengo isina kururama.
  • Kurudzira Nezviiswa Zvepaindaneti. Zviiswa zvino:
    • Zvinopa kana kukumbira zvigadzira zvinobatsira kana kukurudzira kuwanikwa kwezviiswa zvepaindaneti nenzira isingabvumirwe. Izvi zvinosanganisira asi zvisingagumire pa: michina yekubata masaisai esatellite, michina yekubata masaisai yakaiswa zvizere kana ine sofutiweya yeKODI uye masevhisi eKODI.
Maitiro Anonyengedza uye Kurasisa
  • Maitiro eZveutano Anonyengedza. Zviiswa zvino:
    • Anosimudzira mitauro isina umboo wezveutano yekunyepa kana inonyengedza kana kuvimbisa munyaya yezvekudzikisa uremu nekushandisa nzira dzekunyengedza vanhu kuti vabaye, sekuti kushandiswa kwemutauro wekunakidza vanhu unoita zvinotaurwa nezveutano zvinonzi ichokwadi zvakawedzeredzwa kana zvakanyanyisa.
Pazviiswa zvinotevera, tinodzora kuti zviiswa zvacho zvionekwe nevanhu vakuru, vezera remakore 18 kana kupfuura:
Zviiswa zvino:
  • Vimbisa zvabuda zvakananga zvine chekuita nezvekudzikisa uremu munguva yakatarwa pasina mutauro wechenjedzo kana mashoko emubudisi.
Zvisinei nezviri pamusoro, hatirambidze zviiswa zvinoshora, kuchenjedza kana kudzidzisa vamwe nezvekubiridzira, zvisingaratidze mashoko angangobata-bata kana kusimudzira kubiridzira
PaMitemo yeNharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
  • Tinogona kubvisa zviiswa:
    • Zvinosanganisira kubiridzira zvamhan'arirwa nesangano rinovimbika.
    • Zvine chekuita nechiokomuhomwe kana kurozva mari.
    • Zvinopa nhomba mukuedza kubiridzira vashandisi.
    • Zvinoedza kunyepedzera kuva zvazvisiri kana kunyepedzera kuva munhu ane mukurumbira, kana kushandisa mufananidzo wemunhu ane mukurumbira pasina mvumo mukuedza kubiridzira.
    • Zvinopa kana kukumbira zvigadzirwa kana masevhisi akagadzirwa kubatsira kuonekwa kana kurekodhwa muchivande kwevanhu, semuenzaniso, maspy cams, zvinoteverera nharembozha (kusanganisira zvinotendera kurondwa kwemanhamba akavanzwa), kana imwe midziyo yekuongorora.
    • Zvinopa mikana yekupinza vanhu munyaya dzematare kuti vapinde mukukwidza nyaya dzinounzwa nemapoka kuburikidza nekunyepera kuva bazi rehurumende kana sangano renhau, nekushandisa kwemutauro wekunakidza vanhu, kana kushandisa zvinotaurwa nezveutano zvinonzi ichokwadi zvakawedzeredzwa.
    • Zvinopa masevhisi emibhadharo anokurudzira vashandisi kuti vaise Zvine Chekuita Navo Zvakavanzika.
    • Hatitenderi masangano kuti aite kana kuti ataure zvisina umboo kuti anoita zveKubiridzira kwakarongwa, kusanganisira kushandisa maakaundi akawanda pamasevhisi edu mumubatanidzwa kuti asimudzire maitiro ekunyengedza.
Dzimwe nguva, tinobvumira zviiswa zvinogona kutyora Mitemo Yenharaunda yedu kana zvikaonekwa kuti zviiswa zvacho zvinotsiurira munyambo. Zviiswa zvichangobvumirwa chete kana zvikamu zviri mutemo zvichiitwa nyambo kana kuti zvichinongedza kuchimwe chinhu kana mumwe munhu nechinangwa chekumutsvinyira kana kumutsoropodza.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvekubiridzira uye maiitiro eutsotsi
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu