Masangano neVanhu Vane Ngozi
Mashoko akawanda nezveMutemo
CHINJA ROGU
Nhasi
19 Kur 2026
8 Kuk 2024
29 Zvi 2023
29 Nya 2023
27 Kub 2023
23 Zvi 2021
24 Mbu 2021
15 Gum 2021
26 Nya 2021
23 Chk 2021
22 Gum 2020
27 Nya 2020
27 Kuk 2020
10 Gum 2019
27 Gun 2019
28 Zvi 2018
Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Mukuedza kwedu kudzivisa kana kuvhiringidza kukuvadza chaiko, hatitenderi masangano kana vanhu vanotaura chinangwa chemhirizhonga kana vanoita zvemhirizhonga kuti vavepo pamapuratifomu edu. Tinoongorora masangano aya panyaya yemaitiro awo paindaneti kana kuti pasiri paindaneti, uye chakanyanyokosha, kubatana kwaakaita nemhirizhonga. Pasi pemutemo uyu, tinoisa vanhu, masangano, nemanetiweki evanhu, mumapoka. Mapoka aya akakamurwa kuva matanho maviri anoratidza matanho aripo ekuti mitemo itevedzwe, Danho 1 richiva iro rine zvakamisikidzwa kuti mitemo itevedzwe zvakanyanya kudarika zvimwe nekuti tinodavira kuti masangano aya ndiwo akanyanya kubatana nekukuvadza kunoitwa zvisiri zvepaindaneti.
/Danho 1 rinonyanyotarisa masangano anokuvadza zvakaipisisa zvisiri zvepaindaneti - kusanganisira kuronga kutsigira pachena mhirizhonga inoitirwa veruzhinji, kudzokorora kubvisa chimiro kana kutsigira pachena kukuvadzwa kwevanhu maererano nezvine chekuita navo zvakachengetedzwa, kana kuti anoita mabasa ekutyora mitemo zvakarongeka. Danho 1 rinosanganisira masangano eruvengo; masangano anopara mhosva, kusanganisira aya anonzi nehurumende yeUnited States ndiwo Specially Designated Narcotics Trafficking Kingpins (anomiririrwa paChirungu nemabhii ekuti SDNTK); uye masangano emagandanga, kusanganisira masangano uye vanhu vanonzi nehurumende yeUnited States Masangano Eugandanga Ekunze Kwenyika (PaChirungu maFTO) kana Masangano Anonyatsoita Ugandanga Hwepasi Rese (PaChirungu maSDGT). Tinobvisa Kurumbidza, Kutsigira, uye Kumiririra masangano ari paDanho 1 kusanganisira vatungamiriri, vakaatanga, kana nhengo dzakakurumbira dzawo, uyezve mashoko anovanongedza zvisina kujeka.
Uyewo, hatitenderi zviiswa zvinorumbidza, zvinotsigira, kana zvinomiririra zviitiko zvinonzi neMeta zviitiko zvinotyora mitemo yemhirizhonga - kusanganisira kurwisa kwemagandanga, zviitiko zveruvengo, mhirizhonga inoitirwa vanhu vakawanda kana kuti kuedza kuitira vanhu vakawanda mhirizhonga, kuponda vanhu vakawanda, kana kuparwa kwemhosva dzine chekuita neruvengo. Uye hatitenderiwo (1) Kurumbidza, Kutsigira, kana Kumiririra munhu kana vanhu vanoita kurwisa kwakadaro; (2) zviiswa zvagadzirwa nemuiti zvinoenderana nekurwisa uku; (3) mifananidzo yevamwe vanhu inoratidza nguva yakaitika kurwisa uku pavanhu vanooneka. Tinobvisawo zviiswa zvinoRumbidza, Tsigira, kana Kumiririra maonero anosimudzira ruvengo, rwakaita sechinazi uye ukuru hwerudzi rwevachena. Tinobvisa mashoko asina kujeka anenge achireva zviitiko kana maonero aya.
Danho 2 rinosanganisira Masangano Nevanhu Vasinei Nehurumende Vanoita Mhirizhonga anoita mhirizhonga kuhurumende kana vemauto mukurwisana pachishandiswa zvombo asi asinganangi zvakarongwa veruzhinji. Zvinosanganisirawo Masangano Anokurudzira Mhirizhonga anoita zvekugadzirira kana kukurudzira mhirizhonga munguva yemberi asi asina hawo kuita mhirizhonga parizvino. Aya ndiwo zvakare masangano anogona kudzokorora kutyora mitemo yedu yeMaitiro Eruvengo kana Masangano Uye Vanhu Vane Ngozi pangava papuratifomu ino kana kuti pasiri. Tinobvisa Kurumbidzwa, Kubatsirwa, uye Kumiririrwa kwemasangano aya, vatungamiri, vakaatanga kana nhengo dzakakurumbira dzawo.
Tinoziva kuti vashandisi vangatumira zviiswa zvinotaura nezvemasangano ane ngozi uye nezvevanhu muhurukuro yezvemagariro evanhu uye matongerwo enyika. Izvi zvinosanganisira zviiswa zvekumhan'arira, kukurukura kusina divi rakunotsigira kana kushoropodza masangano uye vanhu vane ngozi kana zviito zvavo.
Kutaurwa kwenhau kunosanganisira mashoko anotumirwa kuchenjedza vanhu maererano nezviitiko zvemunharaunda kana zvepasi rese zvinoitwa nevanhu uye nemasangano ane ngozi.
- Semuenzaniso “Nhau Dzichangoburwa: Al-Shabab yazivisa kuti ndiyo yakarwisa muSomalia”
- Muenzaniso “Ongororo yenyanzvi uye maitikiro: Zvakaitika pakupfura kwakaitika kuBuffalo Supermarket uye zvakataurwa nemuiti mudare redzimhosva”
Hurukuro dzisina divi radzinorerekera dzinosanganisira mashoko ane umboo, rondedzero, mibvunzo, uye mamwe mashoko asingaratidze matongero ekutsigira sangano kana munhu ane ngozi uye maitiro ake.
- Semuenzaniso “Al Qaeda haityisi sezvinoita ISIS tichitarisa kushaya kwayo utungamiri hwakakwana uye mari”
- Muenzaniso “Anders Breivik muenzaniso unoratidza kuoma kwazvakaita kuchinja maonero emunhu panyaya dzematongerwo enyika”
Kushora kunosanganisira kusatendera, kusvotwa, kuramba, kumhura, uye mamwe matauriro asina kunaka nezvesangano kana munhu ane ngozi pamwe chete nemaitiro avo.
- Muenzaniso "Ndinonzwa kushatirwa nemhosva yakaparwa naSalvador Ramos. Mashoko emutongi akandibata zvekuti. Haafaniri kunzwirwa tsitsi nedare redzimhosva”
- Muenzaniso “Mhosva dzakaparwa naHitler hadzifi dzakakanganwika zvachose. Aya aive mamwe emamiriro akaipisisa emunhoroondo"
Mitemo yedu yakagadzirwa kuti itendere mhando idzi dzenhaurirano panguva imwe chete ichidzivisa ngozi yekukuvadza vanhu zvisiri zvepaindaneti. Naizvozvo tinoda kuti vanhu varatidze zvakajeka chinangwa chavo pavanogadzira kana kutumira zviiswa zvakadaro. Kana vavariro yemushandisi ichinzwika seinoreva zvakasiyana-siyana kana kuti isina kujeka, tinogara tabvisa zviiswa zvacho.
Zvichienderana nemutemo wepasi rese wekodzero dzevanhu, mitemo yedu inotendera nhaurirano dzine chekuita nekodzero dzevanhu kana dzenhengo dzemasangano ane ngozi akaiswa mumatanho anoenderana nawo, kunze kwekuti zviiswa zvacho zvichisanganisira kumwe kurumbidza, kutsigira, kana kumiririrwa kwemasangano ane matanho aari kana kumwe kutyorwa kwemitemo, sezvakaita kukurudzira mhirizhonga.
Tinokumbira uone Mitemo Yekodzero Dzevanhu Mumabasa kuti uwane rumwe ruzivo nezvekuzvipira kwedu kukodzero dzevanhu dzinotevedzwa pasi rese.
Tinobvisa:
Tinobvisa Kurumbidzwa, Kutsigirwa, uye Kumiririrwa kwemasangano uye vanhu vakasiyana-siyana vane ngozi. Urongwa uhwu hunoshanda kumasangano acho pachawo, zviito zvawo, nenhengo dzawo. Urongwa uhwu haurambidzi kutsigira kuri pachena kunoitwa murunyararo kwezviri kutarisirwa panyaya dzematongerwo enyika.
Kurumbidza, kunotsanangurwa sezvimwe zviri pazasi apa:
- Kuita kuti zviito zvemhirizhonga kana zveruvengo zvesangano rine danho rariri zvive zvepamutemo kana kuti kuzvireverera kuburikidza nekutaura kuti zviito zvakadaro zvinonzwisisika nechikonzero cheunhu, zvematongerwo enyika, kana chimwe chikonzero chinoita kuti zvive zvinogamuchirika kana kuti zvine musoro.
- Semuenzaniso "Hapana chakaipa chakaitwa naHitler."
- Kuona kana kupemberera mhirizhonga kana ruvengo rwesangano rine danho rariri sekugona kana kubudirira;
- Muenzaniso “Hizbul Mujahideen ari kuhwina hondo yekusunungura Kashmir”
- Mashoko anotaurwa nemunhu anoda kuva nhengo kana mashoko ekuda kuva sangano rine danho rariri kana muiti wechiitiko chinotyora mutemo zviine mhirizhonga.
- Muenzaniso “Dai zvangu ndaijoina ISIS ndopinda muKhilafah”
Tinobvisa Kutsigira kunoitwa masangano ari paDanho 1 neDanho 2 uye zviitiko zvine danho razviri.
KuDanho 1 nezviitiko zvakasarudzwa, tinogonawo kubvisa mashoko enongedzo asina kujeka kana asina zvimwe zvakaapoteredza kana chinangwa chemushandisi chisina kutaurwa zvakajeka. Izvi zvinosanganisira zvisetswa zvisina kujeka, mashoko enongedzo asina kuratidzwa kana anosimudzira asingarumbidzi mhirizhonga kana ruvengo rwesangano rakatarwa.
Kutsigira, kunotsanangurwa sezvimwe zviri pazasi apa:
- Kubatsira Nezvinhu
- Maitiro api zvawo anovandudza mamiriro ezveupfumi esangano rine danho rariri - kusanganisira maitiro anoendesa mari, kana anobudisa mari kusangano rine danho rariri;
- Semuenzaniso, “Ipa KKK chipo!”
- Maitiro chero api zvawo anoita kuti sangano kana chiitiko chine danho rachiri chiwane rubatsiro rwezvinhu;
- Semuenzaniso, “Kana uchida kutumira zvipo zvekuti munhu nemunhu ari muSinaloa Cartel abatsirike, shandisa kero iyi:”
- Kutsvagira sangano kana chiitiko chine danho rachiri nhengo itsva;
- Semuenzaniso, “Kana uchida kurwira Caliphate, nditumire meseji”
- Rumwe Rutsigiro
- Kufambisa mashoko kana zvekushandisa, kusanganisira nhaurirano dzinozivisa veruzhinji pamire sangano kana chiitiko chine danho rachiri
- Semuenzaniso, kudzokorora zvataurwa nesangano rine danho rariri asi usingaisi mashoko anoratidza kushora, anoratidza kuva pakati nepakati, kana kuti mashoko acho asiri chikamu chenhau.
- Kukokera veruzhinji kuti vave nezvavanoita uchimiririra sangano kana chiitiko chine danho rachiri;
- Semuenzaniso "Bata Chikamu cheAtomwaffen – (XXX) XXX-XXXX"
Tinobvisa Rutsigiro rweDanho 1 rwese uye Rutsigiro neZvinhu rweDanho 2.
Kumiririra, kunotsanangurwa sezvimwe zviri pasi apa:
- Kutaura kuti uri nhengo yesangano rine danho rariri, kana kuti uri sangano rine danho rariri;
- Semuenzaniso, “Ndiri dhiragoni huru yeKKK.”
- Kugadzira Peji, Purofairi, Chiitiko, Gurupu, kana chikamu chepaFacebook chiri kana kuti chinotaura kuti ndecheSangano Rine Danho Rariri kana kuti kuchimiririra, kana kuti kugadzira chiitiko chiri kana kuti chinozviti chiitiko chine danho rachiri.
- Semuenzaniso, Peji rine zita rekuti “American Nazi Party.”
Tinobvisa Kumiririrwa kunoitwa Masangano ari paDanho 1 ne2 nezviitiko zvine matanho azviri.
Mhando uye Matanho eMasangano Ane Ngozi
Danho 1: Ugandanga, ruvengo rwakarongwa, maitiro akakura ekupara mhosva, kuedza kuitira vanhu vakawanda mhirizhonga, mhirizhonga inoitirwa vanhu vakawanda, kuponda vanhu vakawanda, uye zviitiko zvinotyora mitemo zviine mhirizhonga
Hatitenderi vanhu kana masangano anopara mhosva zvakanyatsorongeka, kusanganisira vanhu kana masangano anonzi nehurumende yeUnited States ndiwo muzongoza wekutengeserana kunoitwa zvinodhaka zvisiri pamutemo akasanangurwa (anomiririrwa paChirungu nemabhii ekuti SDNTK); eruvengo; kana eugandanga, kusanganisira masangano anonzi nehurumende yeUnited States Masangano Eugandanga Ekunze Kwenyika (PaChirungu maFTO) kana Masangano Anonyatsoita Ugandanga Hwepasi Rese (PaChirungu maSDGT), kuti ave papuratifomu ino. Hatitenderiwo vamwe vanhu kumiririra masangano aya. Hatitenderi vatungamiriri kana nhengo dzepamusoro dzemasangano aya kuti dzivepo papuratifomu, kuti zviratidzo zvinoamiririra zvishandiswe papuratifomu, kana zviiswa zvinoarumbidza kana zvinorumbidza zviito zvawo kusanganisira mashoko enongedzo asina kujeka. Kuwedzera kuizvi, tinobvisa chero kutsigira vanhu uye masangano aya.
Hatitenderi zviiswa zvinorumbidza, zvinotsigira, kana zvinomiririra zviitiko zvinonzi neMeta zviitiko zvekurwisa kweugandanga, zviitiko zveruvengo, mhirizhonga inoitirwa vanhu vakawanda kana kuti kuedza kuitira vanhu vakawanda mhirizhonga, kupondwa kwevanhu vakawanda kunoitwa nemunhu mumwe chete panguva dzakasiyana, kuparwa kwemhosva dzine chekuita neruvengo kana zviitiko zvinotyora mitemo zviine mhirizhonga. Uye hatitenderiwo (1)zviiswa zvinorumbidza, kutsigira, kana kumiririra munhu kana vanhu vanoita kurwisa kwakadaro; (2) zviiswa zvagadzirwa nemuiti zvinoenderana nekurwisa uku; kana (3) mifananidzo yevamwe vanhu inoratidza nguva yakaitika kurwisa uku pavanhu vanooneka.
Hatitenderewo Kurumbidzwa, Kutsigirwa, kana Kumiririrwa kwemaonero eruvengo akatarwa, uye nemashoko enongedzo asina kujeka.
Masangano emagandanga uye vanhu, anotsanangurwa seasinei nehurumende ayo:
- Anoita, kana kuti anotsigira zviri pachena, kana kuti anotsigira zviito zvine chinangwa chemhirizhonga kana kuita mhirizhonga yakarongwa,
- Anokonzera kana kuti anoedza kukonzera rufu, kukuvara zvakaipisisa kweveruzhinji kwetsaona kana kukuvadza zvakaipisisa veruzhinji nemaune, kana mumwewo munhu asinei nekukakavadzana kuripo kune kurwisana nezvombo, uye/kana kuti anoparira kukuvadzwa kwezvinhu zvekuti panofa vanhu, kana kuti anoparira kukuvara kwakaipisisa kwetsaona kana kukuvadzwa kwakaipisisa kwemaune kweveruzhinji
- Nechinangwa chekumanikidza, kutyisidzira, uye/kana kuti chekuchinja maonero eruzhinji, ehurumende, kana esangano repasi rese
- Zvichiitirwa kusvitsa chinangwa chezvematongerwo enyika, chechitendero, kana maonero.
Sangano Reruvengo, rinotsanangurwa sesangano kana munhu anoparadzira kana kukuridzira ruvengo rwevamwe vanhu zvichienderana nehunhu hwemunhu hwakachengetedzwa. Zviito zvesanagano iri zvinozivikanwa nezvimwe zvehunhu hunotevera:
- Mhirizhonga, mashoko ekutyisidzira, kana kushungurudza kune ngozi kwakananga vanhu zvichienderana nehunhu hwevanhu ivavo hwakachengetedzwa;
- Kudzokorora kushandiswa kwe mashoko eruvengo;
- Kumiririra Maonero eRuvengo kana mamwe Masangano eRuvengo akatarwa, uye/kana
- Kurumbidzwa kana Kutsigirwa zvizere kwemamwe Masangano eRuvengo kana Maonero eRuvengo akatarwa.
Masangano Anopara Mhosva, anotsanangurwa semubatanidzwa wevanhu vatatu kana kudarika:
- unoshandisa zita rimwe chete, ruvara kana mavara, chiratidzo cheruoko kana maoko kana zviratidzo zvinozivikanwa; uye
- wakambopara kana kuti uri kuvimbisa kupara mhosva yakadai sekuponda vanhu, kutengeserana zvinodhaka, kana kutapa vanhu.
Mhirizhonga Inoitirwa Vanhu Vakawanda uye Kuponda Kakawanda
- Chiitiko chatinoti imhirizhonga inoitirwa vanhu vakawanda kana kuti kuedza kuitira vanhu vakawanda mhirizhonga ndicho chiya chinoguma nekukuvara kwakaipisisa kana kufa kwevanhu vatatu kana kudarika panguva imwe chete. Munhu upi zvake anenge aita kurwisa kwakadaro anoonekwa semunhu aedza kuita kana kuti anenge aita mhirizhonga inoitirwa vanhu vakawanda.
- Tinoona munhu wese anenge aponda vanhu vaviri kana kudarika pazviitiko kana nzvimbo dzinoverengeka semhondi yakaponda kakawanda.
Maonero Eruvengo
- Sezvo kuisa kwedu masangano nevanhu mumatanho akavakodzera kuchitarisa maitiro avo, tinonzwisisawo kuti kune mamwe maonero nezvinodavirwa zvine midzi yazvo mumhirizhonga nekuedza kurongwa kwevanhu pachitaurwa zvemhirizhonga kana kusarurwa kwevamwe zvichibva panyaya yezvine chekuita nevanhu zvakachengetedzwa. Pakadaro, tinosarudza kuti maonero acho ari padanho ripi tobvisa zviiswa zvinotsigira maonero aya papuratifomu yedu. Maonero aya anosanganisira:
- echiNazi
- eUtongi Hwevachena
- eUkuru Hwerudzi Rwechichena
- eKuzvipatsanura Kwevachena
- Tinobvisa Kurumbidzwa, Kutsigirwa, uye Kumiririrwa kunoitwa maonero aya, uye tinobvisa vanhu uye masangano anova nemaonero eruvengo aya kana mamwewo.
Danho 2: Masangano Nevanhu Vasinei Nehurumende Vanoita Mhirizhonga uye Masangano Anokonzeresa Mhirizhonga
Masangano uye vanhu vanonzi neMeta Masangano Nevanhu Vasinei Nehurumende Vanoita Mhirizhonga havatenderwi kuva pamapuratifomu edu, kana kuti kuvapo vachimiririrwa nevamwe. Sezvo nharaunda idzi dzichiita zvemhirizhonga yakanangidzirwa kuhurumende kana kumauto mukurwisana kunoitwa nezvombo (Masangano Nevanhu Vasinei Nehurumende Vanoita Mhirizhonga) kana kugadzirira kana kutsigira zviri pachena kana kugadzira mamiriro ekuita mhirizhonga kwemunguva inotevera (Masangano Anokonzeresa Mhirizhonga), kubatsira nezvinhu masangano aya hakutenderwe. Tinobvisawo kurumbidzwa kwemasangano iwaya.
Masangano Nevanhu Vasinei Nehurumende Vanoita Mhirizhonga, anotsanangurwa seasinei nehurumunde:
- Anoita zvinhu zvakarongwa uye zvine chinangwa chemhirizhonga yakaipisisa inonanga hurumende, mauto kana mamwe mabato akapakatira anotora chikamu muruvengo rune kurwisana nezvombo, uye asinganangi nemaune uye zvakajeka veruzhinji nemhirizhonga yakaipisisa; UYE/KANA
- Anotadzisa nharaunda kuwana zvakaikoshera kana zviwanikwa; UYE/KANA
- Anoita maitiro ekurwisa ane chinangwa chekukuvadza zvivakwa zvisinei chekuita nekufa, kukuvara zvakaipisisa kana kukuvadza zvakaipisisa kweveruzhinji.
Masangano Anokonzeresa Mhirizhonga anotsanangurwa sezvinotevera:
Sangano Rinokonzeresa Mhirizhonga (Ripi Zvaro) isangano kana munhu asinei nehurumende:
- Rine chinangwa kana kuti basa rekuva, kuburikidza nemhirizhonga, simba rekumisikidza mutemo risina kutsarukana (nekuva zvinhu zvakadai semapurisa, mauto, vanoona nezvekupinda kwevanhu munyika) panzvimbo pe, kana kuti mukuwedzera kuhurumende pachayo; kana kuti rinovhiringidza nemhirizhonga simba rehurumende rekumisikidza;
- Rakatora danho rakati kuti rekusvitsa chinangwa ichi pamapuratifomu eMeta; uye
- Rakatyisidzira kana kuti kukurudzira kakawanda mhirizhonga yakaipisisa (paindaneti nepasiri paindaneti);
Sangano Reruvengo Rakabhanwa isangano kana munhu asinei nehurumende:
- Anodzokorora zviito zveruvengo kana kuti anotaura nezvazvo, asi asingasviki paDanho 1 nekuti haasati aita mhirizhonga kana kuitsigira zviri pachena mhirizhonga, kana kuti haana kubatana zvizere nemasangano kana vanhu vakatarwa munguva yapfuura.
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti timisikidze:
- Pamwe pacho, tichatendera zviiswa izvo zvingave zvichityora Mitemo Yenharaunda kana zvikaonekwa kuti zviiswa zvacho ndezvekutsiurira munyambo. Zviiswa zvichangotenderwa chete kana zvikamu zviri kutyora mitemo zvezviiswa zvacho zviri zvekutsiurira munyambo kana kuti zvichinzi ndezvechimwe chinhu kana mumwewo munhu nechinangwa chekumutsvinyira kana kumushoropodza.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvevanhu nemasangano ane ngozi
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu