Kuchengetedzeka paIndaneti

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Tinoziva kuti kuchengeteka kwevashandisi vedu kunosanganisira kuchengetedzeka kwezvine chekuita navo, maakaundi avo, nezvimwe zvikamu zvepaMeta zvavangaona nezvazvo, kusanganisirawo zvigadzirwa uye masevhisi edu muukuru hwao. Kuedza kuunganidza mashoko ezvakavanzika zveupenyu hwemushandisi kana kupinda panzvimbo pasina mvumo kuburikidza nekushandisa nzira dzeunyengeri kana dzekuverevedza zvinokanganisa uchokwadi, kubudirana pachena uye kukotsekana kwatiri kuda kuti kuvepo.
Hatitenderi:
Kuedza kukanganisa kana kupinda mumaakaundi pasina mvumo, kusanganisira:
  • Kupinda mumaakaundi, mapurofairi, kana zvimwe zvinhu zveMeta zvisiri zvako uchishandisa nzira dzeunyengeri kana kuti usina mvumo yakajeka inobva kuakaundi yacho, purofairi, kana muridzi wayo.
  • Kuwana, kutenga kana kukumbira mashoko ekupindisa muakaundi emumwe mushandisi, zvizhinji zvakavanzika zvemunhu, kana amwe mashoko anokosha emushandisi nechinangwa chekupinda pasina mvumo, kusanganisira kuburikidza nemaitiro anotevera:
    • Phishing, inotsanangurwa sekugadzira hurukuro kana mawebhusaiti akagadzirwa kuita kunge maimeiri kana mawebhusaiti anozivikanwa nechinangwa chekuwana zvechitsotsi mashoko emushandisi anokosha.
    • Social Engineering, zvakadai sekudzokorora kana kuenderera mberi kuedza kuwana kana kutenga mhinduro kumibvunzo nezve maakaundi kana kuwanazve pasiwedhi inowanzobvunzwa.
    • Utachiwana Hwemakombiyuta, Sofutiweya Inokanganisa Mashandiro Akanaka (Greyware), Sofutiweya Inotapa Mashoko Akavanzika Nezvemushandisi (Spyware) kana amwe makodhi anokuvadza, sezvakatsanangurwa pazasi.
Yedzesero yekugovera, kugadzira, kuva muridzi, kana kuparadzira kodhi inokuvadza, kusanganisira:
  • Kukurudzira kana kunyengedza vashandisi kudhaunirodha kana kuvhura mafaira, maapu, kana mapurogiramu achaisa pangozi kuchengetedzeka kwemushandisi paindaneti kana kwezvine chekuita naye, zvinosanganisira asi zvisingagumire pa:
    • Malware, inotsanangurwa sekodhi yakagadzirwa kukuvadza kana kupinda mumasisitimu pasina mvumo. Izvi zinosanganisira mapurogiramu akagadzirwa kukuvadza masisitimu emakombiyuta, pamwezve nemasofutiweya akagadzirwa kutora mari kubva kuvanyajambwa, sekuti ransomware.
    • Spyware, inotsanangurwa sekodhi kana sofutiweya inounganidza mashoko nezvevashandisi uye yotumira kune vamwewo vanhu kana makambani pasina mvumo yakazara yemushandisi, kana kuti inoshandisa mashoko pazvinangwa zvisiri zvepamutemo (semuanzaniso, kutyisidzira kushambadza mifananidzo yemunhu yakavanzika, kutyisidzira kufumira, kupinda mumasisitimu kusiri pamutemo).
    • Greyware, inotsanangurwa sekodhi kana sofutiweya inotadzisa kushandisa midziyo yekombiyuta kana sofutiweya uye inogona kunetsa kubvisa pasisitimu yekombiyuta kana netiweki.
  • Kugadzira, kutumira, kana kuchengeta sofutiweya inokuvadza kusanganisira zvishandiswa zvepabhurauza uye maapu emunharembozha, papuratifomu kana kuti pasiri papuratifomu inoisa pangozi vashandisi kana masevhisi edu.
  • Kutyisidzira, kubvuma, kana Kutumira kana kubatsira kupinda zvechitsotsi - kusanganisira kuburikidza nekugovera kana kushambadza sofutiweya, zvidzidzo, kana zvigadzirwa zvinobatsira vanhu kunzvenga masisitimu echengetedzo, kusanganisira sofutiweya inokurudzira kupinda zvechitsotsi mumasofutiweya, mapasiwedhi, kana zvitupa
  • Kupa zvishandiswa zvepaindaneti, kusanganisira kuva muridzi wesevhisi yemawebhusaiti, masevha emazita emadhomeyini uye manetiweki eshambadzo anoita kuti pave nezvibatanidzi zvinoshanda zvakaipa zvekuti zvakawanda zvezvibatanidzi zvacho pamasevhisi edu zvinotyora zvikamu zveMitemo Yenharaunda zvine chekuita nesipamu kana kuchengetedzeka kwepaindaneti.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvekuchengetedzeka paindaneti
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu