Chikonzero Chakanyorerwa Mutemo
Mukuedza kwedu kudzivisa kana kuvhiringidza kukuvadza kunoitwa pasiri pamhepo uye maitiro ekutevedzera zvinoitwa nevamwe, tinorambidza vanhu kubatsira, kuronga, kusimudzira kana kubvuma maitiro akati ekupara mhosva kana maitiro anokuvadza akanangidzirwa kuvanhu, mabhizimusi, zvinhu kana mhuka. Tinotendera vanhu kuita nhaurirano dzinoratidza misiyano uye kutsigira pachena kuva pamutemo kwemaitiro ekupara mhosva kana anokuvadza, kunyangewo kuita kuti vanhu vaone maitiro anokuvadza kana ekupara mhosva avangaona kana kusangana nawo, chero bedzi vasingaatsigiri pachena kana kuronga maitiro iwayo.
Tinobvisa:
Kukuvadza vanhu Kutaura kunobudisa pachena rupawo kana nzvimbo dzine chekuita nemunhu anofungidzirwa kuti:
Inhengo yeboka rine ngozi yekubudisa pachena zvinhu; uye/kana
Anotumira zvine chekuita nemhuri uye/kana zvekudanana kwevanhu kunhengo imwe chete kana dzakawanda dzeboka rine ngozi yekubudisa pachena zvinhu; uye/kana
Ane basa raanobhadharwa raakaita achitsigira boka rine ngozi yekubudisa pachena zvinhu (kunze kwevanhu vezvematongerwo enyika)
Kutaura basa rakavanzika remupurisa, musoja kana munhu wechengeteko kana zviiswa zviine zita remushandi wacho, chiso chake kana bheji uye chero chezvinotevera:
Sangano rekuchengetedza mutemo rinoshandirwa nemushandi wacho
Oparesheni yekuchengetedza mutemo iri kuitwa nemushandi wacho
Kutaura pachena basa raanoita pachivande
Kuronga, kutyisidzira, kutsigira, kana kubvuma kuti munhu akamhan'ara zvekunyepa nechinangwa chekuti mapurisa akawanda amomotere nyakumhan'arirwa kunze kwekuzivisa nezvavo kana kuratidza kutsutsumwa kana chiitiko chakarongwa kana kudzikinura.
Kuratidza maitirwo, kusimudzira, kutsigira pachena kana kukurudzira vanhu kupinda mukwikwidzo ine ngozi yakakura iri kupararira pamhepo kunze kwekunge pachitaurwa nyaya yekuzivisa vamwe nezvazvo kana kuti yekuzvishora. Panoiswa mufananidzo mumamiriro ezvinhu aya, tinoisawo chikwangwani chekuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvingangovabata-bata.
Kukuvadza mhuka
Kuronga, kutyisidzira, kutsigira kana kubvuma zviito zvekukuvadzwa kwemhuka (nenzira yekunyora, kuona kana kutaura) kunze kwenyaya dze:
Kuzivisa nezvazvo kana kushora
Rubatsiro
Kupona kana kuzvidzivirira, kwemumwe munhu kana imwe mhuka
Muitiro wefikisheni kana wakarongwa KUNZE KWEKUNGE pachiratidzwa kurwa kwemhuka kwakarongwa kana kubatsirwa kwemhuka dziri mudambudziko kusiri kwechokwadi
Kuvhima kana kubata hove
Zvipiriso zvechitendero
Kugadzira zvekudya
Mapests kana zvipuka zvinoparadzira zvirwere
Kuuraya mhuka kuti izorore zvayo
Kurwa nemabhuru
Kuronga, kutyisidzira, kutsigira, kuratidza kana kubvuma kuratidza kurwa kwemhuka kana kuratidza vhodhiyo yekununurwa kwemhuka kwekunyepera kunze kwemamiriro ekuzivisa vanhu, kumhura kana kubatsira.
Kukuvadza zvinhu
Kuronga, kutyisidzira, kutsigira kana kubvuma kuparadza zvinhu kuba (nenzira yekunyora, kuona kana kutaura), kunze kwenyaya dze
Kuzivisa nezvazvo kana kushora,
Rubatsiro
Zvefikisheni kana zvakaita zvekurongwa,
Mumamiriro ezvinhu ekuzvidzivirira, kana kudzivirira mumwe munhu
kuratidza kuparadza zvinhu pakuratidzira,
kuratidza graffiti, kana
kutaura zvakanaka pamusoro pekuparadza uye umbavha hunoitwa nevamwe.
Kubiridzira kwemunhu anosarudza/kana pakuverengwa kwevanhu Kuda kutenga kana kutengesa mavhoti nemari, zvipo, masevhisi kana zvimwe zvinhu, kunze kwekunge zvagoverwa zvichishorwa, kuzivisa nezvazvo, kubuda panhau, kana mumashoko anosetsa kana ekutsiurira munyambo.
Kutsigira, kupa mirayiridzo, kana kuratidza zvakajeka chido chekuda kuvhota (semuenzaniso, kuvhota kaviri kana kuita mapepa ekugadzira kuti ukodzere kuvhota) kana kupinda mukuverengwa kwevanhu zvisiri pamutemo (semuenzaniso kupa mashoko asiriwo nezvezvakaita munhu kana nezvekuti mumba mako mune vanhu vakawanda sei), kunze kwekunge mashoko acho apiwa mukushora, kuzivisa, kutaura nhau, kuna kuti munyambo.
Pazviiswa zvinotevera, tinoisawo chikwangwani chekuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvingangovabatabata:
Mifananidzo iri kuratidza kukwikwidzana kune ngozi yakakura kuri kupararira pamhepo, kana yatumirwa iine mashoko ekushora kana ekuchenjedza vanhu nezvengozi.
Pazviiswa zvinotevera, tinodzora kuti zviiswa zvacho zvionekwe nevanhu vakuru, vezera remakore 18 kana kupfuura:
Mifananidzo inoratidza nzira dzekutyaira nadzo motokari zvine ngozi zvinogona kuguma nekufa kana kuvara zvakaipisa kwemutyairi kana vamwe, kunze kwekunge yatumirwa pachitaurwa zvinhu zvisingaitiki kana kuti mamiriro ezvinhu ari kuonekwa nezvawo nenyanzvi.
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti timisikidze:
Tinobvisa:
Outing: kutaura mashoko anoita kuti munhu azivikanwe uye kumuisa panjodzi yekukuvadzwa:
Nhengo dzeLGBTQIA+
Vakadzi vasina kupfeka chipfeko chemumusoro
Vanhu vasina kuwanikwa vaine mhosva asi vachiratidzwa nevanhu vanomanikidza vanhu zvebonde Sting Operation
Vanhu vanobatanidzwa munyaya dzezvemutemo, asi kubatanidzwa kwavo kusingaziviswi veruzhinji
Zvapupu, vazivisi, varatidziri, vanhu vakasungwa kana nhapwa
Masoja akatiza hondo, pavanomhan'arwa nenzira yepamutemo yehurumende
Vasungwa vemuhondo, mumamiriro ezvinhu ekurwiwa kwehondo
Mifananidzo ingangorasisa veruzhinji panyaya yekwayakabva, kana:
Sangano riri kuratidzwa pamifananidzo, kana mumiririri waro wepamutemo, achiramba mifananidzo yacho, uye
Mifananidzo ine mukana wekukuvadza nhengo dzeruzhinji.
Mashoko anotaura chinangwa, kukurudzira veruzhinji kutora danho, kana kukurudzira zvinotevera:
Kuvhara masevhisi anodiwa pakurara pakunenge kuine mashoko anozivikanwa neruzhinji kuti motokari dzekubatsira chiriporipocho dzakavharirwa migwagwa, KANA
Kunangana nemunhu kana rimwe gurupu revanhu nekuvhara kuwana kwavo masevhisi anodiwa pakurara kana nzira yawo yekuti apfuura nenzira inogona kuisa kuchengeteka kwavo panjodzi
Kupindira kwevavhoti kana kuverengwa kwevanhu, kusanganisira:
Kurudziro dzeurongwa hwakabatana hwekukanganisa kukwanisa kwemunhu kuita zvinodiwa pasarudzo kana pakuverengwa kwevanhu.
Kutaura kwekukambira kwekuti kuverengwa kwevanhu kana kuita sarudzo kungangoguma kana kuti kuchaguma nematanho anotorwa nemapurisa (semuenzaniso, kusunga, kudzingwa munyika kana kuvharirwa mujeri).
Kutyisidzira kuenda kunzvimbo yesarudzo kunoongorora kana kuona zvinoitwa nevavhoti kana vakuru vesarudzo kana zvabatanidzwa nekutyisidzira (semuenzaniso, “Ngativaratidzei kuti ndiani mukuru!,”, “Vanoda hondo? Tichavapa hondo.").
Kutyisidzira kuenda kunzvimbo yezviito yakaitirwa sarudzo kana zvabatanidzwa nekutyisidzira (semuenzaniso, “Ngativaratidzei ndiani mukuru!,”, “Vanoda hondo? Tichavapa hondo.").