Kubatirira, Kushungurudza Nezvepabonde, uye Kushama Kwemwana

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Hatibvumiriri zviiswa kana zviito zvinoshungurudza vana panyaya dzebonde kana kuvaisa pangozi. Kana tikaziva nezvekushungurudzwa kwevana, tinomhan'ara kuNational Center for Missing and Exploited Children (NCMEC), tichitevedzera mutemo wakakodzera. Tinoziva kuti dzimwe nguva vanhu vanogovera mifananidzo yakashama yevana vavo pachavo nechinangwa chakanaka; kunyange zvakadaro, kazhinji tinobvisa mifananidzo iyoyo nechikonzero chekuti inogona kushandiswa zvisiri izvo nevamwe uye kubatsira kuti pasava nemukana wekuti vamwe vanhu vaishandise zvisiri izvo.
Tinoshandawo nenyanzwi dziri kunze, kusanganisira Dare Rinopa Maonero Ekuchengeteka kweMeta, tichikurukura uye kuvandudza mitemo yedu uye kumisikidza panyaya dzekuchengetedzeka kwepaindaneti, kunyanya panyaya yevana. Dzidza zvimwe nezve tekinoroji yatiri kushandisa kurwisa kushungurudzwa kwevana.
Usatumira:
Kushungurudza vana nezvepabonde
Zviiswa, zviito kana kuwadzana kunotyisidzira, kuratidza, kurumbidza, kutsigira, kupa mirayiro, kutaura chido chekuita, kubvuma kuita kana kugovera zvibatanidzi zvekushungurudzwa kwevana pabonde (kusanganisira vana chaivo, vachiri kukambaira kana kuti vacheche, kana zvinhu zvisiri vanhu chaivo asi zvakafanana navo, sezvakaita zvigadzirwa zvemaoko, zviiswa zvinogadzirwa neunyanzvi hwemakombiyuta, zvinhu zvisiri kunyatsoitika, zvidhori, zvichingodaro). Izvi zvinosanganisira, asi hazvingogumiri pa:
  • Bonde
    • Kurara kwemurume nemukadzi kwakajeka kana bonde remukanwa, kunotsanangurwa semuromo kana sikarudzi ichipinda kana ichibatana nesikarudzi kana kumashure kwemumwe munhu, apo sikarudzi kana kumashure kwemunhu mumwe chete kuchioneka zvakajeka.
    • Kuratidzwa separi kuitwa bonde chairo kana kuti nemumukanwa, kusanganisira kunyange nhengo dzebonde dzisiri kunyatsooneka kana kuti dzakavharidzirwa.
    • Kupuruzira nhengo dzebonde kana kuti kumashure, kusanganisira kana chiito chacho chichiratidza sechava kuda kuitwa kana kuti chisinganyatsooneka.
    • Chero zviri pamusoro apa zvichiitwa nemhuka.
  • Vana vane zvinhu zvine chekuita nebonde, zvinosanganisira asi zvisingagumiri pane zvinotevera:
    • Kudzorwa
    • Zviratidzo zvenhengo yakamira
    • Kuratidza nhengo dzakavandika kana kumashure
    • Kuvapo kwemunhu mukuru ane nhengo yakamira.
    • Kuvapo kwematoyi ezvepabonde kana kushandiswa kwechero chinhu chinomutsa zenze rebonde kana chinogutsa bonde kana kushungurudza pabonde
    • Zvipfeko zvinofungisa bonde
    • Kubviswa hembe
    • Mamiriro ezvinhu akaitwa zvekugadzirwa, (semuenzaniso, pamubhedha) kana kuti akatorwa mifananidzo nevagara nebasa (mabudiro/matorerwo/divi)
    • Kutsvodana mukati memuromo
    • Kupuruzira minyatso yemunhu kana kubata mazamhu emunhukadzi (KUNZE kwepakuyamwisa)
    • Kuvapo kwezvinhu zvinoratidza kuitwa kwebonde
  • Zviiswa zvevana zvinoratidza zvebonde
  • Zviiswa zvinotsigira, kuporomota, kusimudzira kana kukurudzira kuita bonde nevana vadiki kunze kwekunge zviri kukurukurwa nenzira isiri yekutsigira panyaya dzezveutano
  • Zviiswa zvinodudza kana kuseka vanhu vakashungurudzwa pabonde nekutaura zita kana mufananidzo
Kukumbira
Zviiswa zvinokurudzira vanhu kutumira zvinhu zvebonde kana maitiro anoratidzira vana kana kuti anosanganisira vana, anotsanangurwa se:
  • Zvinhu Zvinoratidza Kushungurudzwa Pabonde Kwevana (CSAM)
  • Mifananidzo yevana chaivo vakashama kana kuti vasiri vana chaivo vakashama
  • Mifananidzo yezvepabonde yevana chaivo kana kuti vasiri vana chaivo
Kutamba nevana zvisina kunaka
Zviiswa zvine kutamba nevana zvisina kunaka kana kuti zvinokurudzira kuita kudaro, zvakadai sezvinotevera:
  • Kuita zvinokurudzira, kana kuronga kuonana nevana nechinangwa chezvepabonde
  • Kunyengera vana kuita zvinhu zvepabonde kuburikidza nenhaurirano dzezvepabonde kana kupa, kuratidza, kuwana kana kukumbira kuvana zvinhu zvepabonde, kuburikidza nekuratidza nemaune kana mumameseji akavanzika
  • Kutaura zvinhu zvakarerekera kubonde nevana pamameseji
  • Kuwana kana kuti kukumbira vana zvinhu zvine chekuita nebonde pamameseji akavanzika
Mifananidzo yezvebonde yekuita nayo utsotsi kana kutyisidzira kushambadza mifananidzo yemunhu yakavanzika
Zviiswa zvekuedza kutsotsa vana nekuita zvinotevera:
  • Kumanikidza kuti munhu abhadhare mari, aite chimwe chinhu kana kupa mifananidzo yakavanzika, munhu wacho achityisidzirwa kuti mifananidzo yake kana mashoko akavanzika zvinogona kubudiswa pachena kana akasadaro
  • Kugovera, kutyisidzira, kana kutaura chido chekugovera nhaurirano dzezvepabonde dzakavanzika kana mifananidzo yevanhu vari murudo
Kuratidza vana munzira yezvepabonde
  • Zviiswa (kusanganisira mifananidzo, mavhidhiyo, mifananidzo yakadhirowewa zvinonyatsooneka, zviiswa zvemumakombiyuta, uye mashoko anotaurwa) zvinoratidza vana chaivo kana kuti vasiri chaivo munzira yezvebonde
  • Magurupu, Mapeji, uye mapurofairi akagadzirirwa kuratidza vana chaivo kana kuti vasiri chaivo munzira yezvebonde
Kuva musvo kwevana
Zviiswa zvinoratidza vana chaivo kana kuti vasiri chaivo vakashama muviri apo kushama kunotsanangurwa sezvinotevera:
  • Mifananidzo yakatorerwa pedyo yenhengo dzevana chaivo kana kuti vasiri vana chaivo
  • Vana vakashama vachiri kukambaira chaivo kana kuti vasiri vana chaivo, inoratidza:
    • Nhengo dzakavanzika dzichioneka, kunyange kana dzakavharwa nechipfeko chinoonekera
    • Kumashure kunooneka, kana kuti magaro akabudikira kana kuti akashama
  • Vana chaivo kana kuti vasiri vana chaivo vakashama, inoratidza:
    • Nhengo dzichinyatsooneka (kusanganisira nhengo dzinenge dzakangovharwa nebvudzi repanhengo kana kuti nechipfeko chinoonekera)
    • Kumashure kunooneka, kana kuti magaro akabudikira kana kuti akashama
    • Minyatso yemukadzi isina kuvharwa
    • Kushama muviri kubva pahuro kusvika pamabvi - kunyange kana pasina minyatso yemukadzi iri kuoneka
  • Kunze kwekunge mifananidzo isiri yevanhu chaivo yakagadzirirwa zvinangwa zvenyaya dzeutano kana kuti iri yemwana akashama zvisiri zvepabonde asi uri mufananidzo wakadhirowewa neruoko
Kushungurudza vana zvisiri zvebonde
Mavhidhiyo kana mifananidzo inoratidza kushungurudzwa kusiri kwepabonde kwemwana chaiye kana kuti asiri chaiye pasinei nechinangwa chekutumirwa kwayo, kunze kwekunge mifananidzo yacho yakaita zvekudhirowewa nemaoko, yemakatuni, mamuvhi kana magemhu emavhidhiyo
Zviiswa zvinorumbidza, kutsigira, kuporomota, kukurudzira, kupa mirayiro kana kutsigira kushungurudza mwana zvisiri zvepabonde
Pamusoro pekubvisa maakaundi anotyora mitemo yedu yeKushungurudza Mwana Nezvepabonde, Kushungurudza uye Kuva Musvo, vaongorori vedu uye masisitimu emakombiyuta edu anotarisa zvinongedzo zvakawanda kuti abatsire kudzivirira wadzano dzisingadiwe kana dzinokuvadza.
  • Tinogona kumisa kushanda kana kudzora kuwana zvigadzirwa uye maficha (semuenzaniso, kukwanisa kutevera mamwe maakaundi) kuvanhu vakuru zvakatsamira pawadzano dzavo nemamwe maakaundi, kutsvaga kana kuwadzana nezvinhu zvinotyora mitemo (semuenzaniso kufarira kana kuchengeta), kana kuva nhengo munharaunda (sekuti Magurupu) atabvisa nekuda kwekutyora mitemo yedu.
Pazviiswa zvinotevera, tinoisawo mashoko echenjedzo kuitira kuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvinogona kusavaitira uye tinoita kuti zvingoonekwa nevanhu vakuru vane makore gumi nemasere zvichikwira:
  • Mavhidhiyo kana mifananidzo inoratidza mapurisa kana masoja achishungurudza vana zvisiri zvebonde
  • Mavhidhiyo kana mifananidzo yekushungurudzwa kwevana zvisiri zvepabonde, kana mapurisa, vemasangano anochengeta vana, kana vanochengetedza vana vanovimbwa navo vakatikumbira kuti tisiye zviiswa zvacho kuti mwana wacho akwanise kubatsirwa
Pazviiswa zvinotevera, tinoisa mashoko echenjedzo kuitira kuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvinogona kusaitira vamwe vanhu:
  • Mavhidhiyo kana mifananidzo yekunyudzwa zvine simba kwemwana mumvura zvichiitirwa zvinhu zvechitendero
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise kumisikidza:
Pazviiswa zvinotevera, tinoisawo chikwangwani cheyambiro chekuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvingangovabata-bata:
  • Mifananidzo inenge yabudiswa nevenhau inoratidza kushama muviri kwemwana yakanangana nekushomeka kwezvekudya, kuurayiwa kwevanhu vakawanda, mhosva dzemuhondo, kana kushungurudzwa kwevanhu, inobviswa kana paine mashoko emuzasi anotyora mutemo kana kuti yagoverwa zvinotyora mitemo
Tinobvisa mifananidzo inoratidza zvinhu pashure pekushungurudzwa kwemwana zvisiri zvepabonde kana ikabudiswa nevanhu venhau, masangano asiri ehurumende, kana vamwewo vanochengetedza vana.
Tinogona kubvisa zviiswa zvinozivisa vana vanonzi vakashungurudzwa nezvepabonde kuburikidza nenzira dzisiri zita kana mufananidzo kana zviiswa zvichisanganisira mashoko anogona kuita kuti munhu wacho azivikanwe.
Tinogona kubvisa zviiswa zvagadzirwa nechinangwa chekuti abva zera azivikanwe kana kuri kuti pane njodzi pakuchengetedzeka kwake, kana tichinge takumbirwa neVanomisikidza Mutemo, Hurumende, Shamwari Yakavimbika, kana kuti zviiswa zvacho zvamhan'arirwa nemwana kana nemubereki wemwana kana muchengeti wake wepamutemo
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvekushungurudza nezvepabonde uye kushama kwemwana
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu