Kuva Musvo Kwemunhu Mukuru uye Zviito Zvepabonde

Mashoko akawanda nezveMutemo

CHINJA ROGU
Zvikonzero Zvemutemo
Tinodzora kuratidzwa kwezviito zvekuva musvo kana zvepabonde nekuti vamwe vanhu munharaunda yedu vanogona kunge vachibatwa-batwa nemhando yezviiswa izvi, kunyanyanyanya pamusana petsika dzavakarerwa nadzo kana zera.
Tinonzwisisa kuti kuva musvo kunogona kutumiranwa nezvikonzero zvakasiyana-siyana, kusanganisira chikonzero chekutsutsumwa, chekuita kuti vanhu vazive nezvegwara riripo, kana kuti nezvikonzero zvedzidzo kana zvekurapa. Kana zvakakodzera uye zvikajeka kuti pane chinangwa chakadaro, tinotendera zviiswa zvacho. Semuenzaniso, kunyange zvazvo tisingatenderi mifananidzo yemazamu echikadzi inoratidzawo nyatso, tinotendera mimwe mifananidzo, kusanganisira iya inoratidza kutsutsumwa, vakadzi vari kuyamwisa vana vavo uye mifananidzo yemaronda evakadzi vanenge vavhiyiwa vobviswa mazamu (dzimwe nguva yakaiswa sikirini ine mashoko eyambiro uye kudzorwa kwakatsamira pazera). Tinotenderawo ati inoratidza zvenyika zvinoratidza kuva musvo zvakaita semifananidzo yezvakapendwa, zvivezwa, nezvimwe (dzimwe nguva zvakanyorwa nesikirini ine mashoko eyambiro). Tinogara tabvisa mifananidzo yezvepabonde tichidzivisa kutumirana kwezviiswa zvisina kutenderanwa kana kuti zvevari pasi pezera rinotenderwa.
Pasi pemutemo uyu, tinobvisa mifananidzo chaiyo nemavhidhiyo ekushama nezviitiko zvepabonde, mifananidzo yakagadzirwa neAI kana nekombiyuta yekushama nezviitiko zvepabonde, uye mifananidzo yedhijitari, zvisinei nekuti inoita sekunge "yechokwadi" (kureva kuti inoita sekunge munhu chaiye). Sezvataurwa pamusoro apa, tinopawo mukana wakangwara kuunyanzvi hwenyika chaiyo uye zvimwe zviiswa zvekurapa, dzidzo, uye kukwidziridza ruzivo, uye izvi zvinotsanangurwa zvakadzama mumutemo.
Zviiswa zvine chekuita nekuva musvo kwemwana zvinotaurwa muMutemo Wenharaunda panyaya yeKushungurudza Mwana Nezvepabonde, Kushungurudza uye Kuva Musvo.
Hatitenderi zviiswa zvinotevera kuvashandisi vose:
Kuva Musvo Kwemunhu Mukuru
  • Mifananidzo/mifananidzo yedhijitari, yevanhu vakuru vari musvo, kana ichiratidza:
    • Sikarudzi dzichinyatsooneka (kusanganisira kana dzakangovharwa nebvudzi repasikarudzi kana kuti chakaiswa pamusoro chedhijitari)
    • Kunobuda netsvina kuri kuoneka uye/kana mifananidzo izere yakatorwa pedyo yemagaro
    • Minyatso yevakadzi inooneka, kunze kwekunge zviri munyaya dzekuyamwisa mwana, kana muchiitiko chekuratidzira
  • Mavhidhiyo anoita sechaiwo/ ari dhijitari anonyanyotarisa nhengo dzemunhu dzebonde, mazamhu emunhukadzi, kana magaro, munhu kana vanhu varimo vasingazivi nezvazvo
  • Ziva kuti nezvimwe zvidzoreso, tinogona kutendera kuratidzwa kwemunhu mukuru ari musvo mumamwe mamiriro akawedzerwa, sekuti mumamiriro ekurapa kana utano. Izvi zvakafukidzwa zvizere muzvikamu zviri pazasi.
Zviito Zvepabonde Zvemunhu Mukuru
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/yedhijitari yekuitwa kwebonde nevanhu vakuru, kusanganisira:
    • Kuitwa kwebonde kwakajeka kana kupurizira nhengo:
      • Kurara kwemurume nemukadzi kwakajeka kana bonde remukanwa, kunoratidzwa semuromo kana sikarudzi ichipinda kana ichibatana nesikarudzi kana kunobuda netsvina kwemumwe munhu, kana sikarudzi yakaiswa pamusoro kana mukati metoyi yebonde, apo sikarudzi kana kunobuda netsvina kwemunhu mumwe chete kuchioneka zvakajeka
      • Kumutswa zenze kwakajeka kwesikarudzi kana kunobuda netsvina kwemunhu, kunoratidzwa sekumutswa zenze kwesikarudzi kana kunobuda netsvina, kana kupfekera zvitambiswa zvepabonde musikarudzi kana kunobuda netsvina kwemunhu, paine kuoneka kwakajeka kwesikarudzi kana kunobuda netsvina
    • Kuitwa kwebonde kusina kujeka kana kupurizira nhengo:
      • Kuratidzwa kusina kujeka kwekurara kwemurume nemukadzi kana bonde remukanwa, kunoratidzwa semuromo kana sikarudzi yemunhu ichipinda kana ichibatana nesikarudzi kana kunobuda netsvina kwemumwe munhu, kuoneka kwesikarudzi uye/kana maitiro acho kana kubatana kwacho kusingaoneki zvakajeka
      • Kupuruzira nhengo kusina kujeka kwesikarudzi kana kunobuda netsvina kwemunhu, kunoratidzwa sekumutswa zenze kwesikarudzi, kana kupfekera zvitambiswa zvepabonde musikarudzi kana kunobuda netsvina kwemunhu,kana sikarudzi yakaiswa pamusoro kana mukati mezvitambiswa zvepabonde, kana kuoneka kwesikarudzi kana kwekunobuda netsvina, kumutswa zenze, kubatana, uye/kana maitiro acho asingaoneki zvakajeka
      • Zviito zvepabonde zvinoda kuitika, kunoratidzwa nemamiriro anoratidza kunge kubatana kuva kuda kuitika pakati peruoko rwemunhu, muromo kana sikarudzi yake nesikarudzi kana panobuda tsvina pemumwe munhu.
    • Kumwe kuitwa kwebonde kana kupurizira nhengo:
      • Kumira kwenhengo
      • Kuvapo kwezvinhu zvinoratidza kuitwa kwebonde
      • Zvitambiswa zvepabonde zvakaiswa pamuromo kana mumukanwa.
      • Kumutswa zenze kweminyatso yemunhu iri kuoneka
      • Kudzvanya mazamu echikadzi, kunotsanangurwa sekuabata neminwe yakakombama izvo zvinobva zvasiya paari zviratidzo zvekubatwa zvoachinja kuumbika kwawo. Tinotendera kudzvanya kunoitika pakuyamwiswa kwemwana.
    • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/yedhijitari kana ati yechinhu chaicho icho inoratidza zvakatsaudzira zvinosanganisira zvinotevera:
      • Zviito zvingangoguma nekufa kwemunhu kana mhuka
      • Kudamburwa kwemaoko kana makumbo
      • Kudyiwa kwenyama yevanhu nevanhu
      • Tsvina yemunhu, weti, mate, gararwa, ropa rekumwedzi kana marutsi
      • Bonde nemhuka
      • Makunakuna
      • BDSM (kusungwa uye kurangwa, kutonga uye kutongwa zvepabonde, kunakirwa nekukuvadza kana kukuvadzwa pabonde), chero bedzi zvinongedzo zvepabonde zviripo
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo yekuita zvepabonde kana kukurudzira bonde zvinorehwa kana zvichigoverwa munyaya dzekurapa kana hutano
  • Zviteererwa zvakareba zvinenge zvichiridza zviito zvepabonde
  • Ziva kuti nezvimwe zvidzoreso, tinogona kutendera kuratidzwa kwezviito zvepabonde mumamwe mamiriro akakosha, sekuti mumamiriro ekurapa kana utano. Izvi zvakafukidzwa zvizere muzvikamu zviri pazasi.
Pazviiswa zvinotevera, tinongoratidza chete vanhu vakuru vane makore ari pamusoro pe18, uye tinoisa mashoko echenjedzo kuitira kuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvinogona kuvabata-bata:
  • Mifananidzo yedhijitari uye ati yezvinhu chaizvo yekuita zvepabonde kana kumutsa zenze munyaya dzekurapa kana hutano
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/ yedhijitari uye ati yezvinhu chaizvo yezviito zvepabonde zvakajeka, zvisina kujeka kana zvimwe zviito kana kumutsa zenze kwenhengo dzebonde munyaya yekurapa kana zveutano
  • Mifananidzo yedhijitari kana inoita kunge chaiyoiyo uye ati yezvinhu chaizvo yenhengo dzesikarudzi dzichioneka, kunobuda netsvina kuchioneka, mifananidzo yakatorwa pedyo nemagaro kana minyatso yemunhukadzi pachitaurwa nyaya yekuvhiyiwa kuti muviri uve sezviri kudiwa nemuridzi panyaya yekuva munhukadzi kana munhurume
  • Ati yesikarudzi inooneka (kusanganisira sikarudzi yakavharwa nechinoiswa pamusoro chedhijitari kana kuivanza uye sikarudzi yakavanzwa nevhudzi resikarudzi chete), kunobuda tsvina kunooneka, mifananidzo yakatorerwa pedyo yemagaro ari kuoneka kana minyatso yemunhukadzi, apo kuva musvo kuri kunyatsotariswa mumifananidzo kwete mumaitiro ekurapa kana eutano
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/ yedhijitari yesikarudzi iri kuoneka (kusanganisira sikarudzi yakavharwa nechinoiswa pamusoro chedhijitari kana kuvanza uye sikarudzi yakavanzwa nevhudzi resikarudzi chete), kunobuda tsvina kana minyatso yemunhukadzi kunooneka, mifananidzo yakatorerwa pedyo yemagaro ari kuoneka kana minyatso kana yatumirwa mumamiriro enzara, kuurayiwa kwevanhu vakawanda, mhosva dzemuhondo, kana kushungurudzwa kwevanhu
Pazviiswa zvinotevera, tinodzora kuti zviiswa zvacho zvionekwe nevanhu vakuru, vezera remakore 18 kana kupfuura:
  • Mifananidzo inoita sechaiyo kana yedhijitari iyo inoratidza kuda kuva musvo sekuti kuva musvo kwakadzimaidzwa zviri dhijitari chete kana nechinhu chisingaonese zviri mukati kana kuva musvo kwavharwa nechipfeko chinoonekera
  • Mifananidzo inoita sechaiyo kana yedhijitari apo nhengo dzesikarudzi, magaro kana mazamu emunhu kadzi ari kunyatsotariswa mumufananidzo
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/ yedhijitari uye ati yezvinhu chaizvo yezviito zvepabonde zvakajeka, zvisina kujeka kana zvimwe zviito kana kumutsa zenze kwenhego dzebonde kana chete zvimiro zvemiviri zviri kuoneka
  • Mifananidzo yakaitwa kuti iratidze zvinhu sezvazviri, inenge iine
    • Mifananidzo inoratidza kuita zvepabonde zvinorehwa, zvinoratidzwa pachena, kana zvimwe zvekukurudzira bonde kunze kwekunge zvaburitswa muchimiro cheruzivo rwezvekurapa
    • Mifananidzo inoratidza bonde nemhuka, zvichitsamira pakuti iri kutumirwa nenzira isina zvairi kutsigira kana kuti iri kushora, uye vanhu kana mhuka dziri kuratidzwa dzisiri chaidzo.
  • Mifananidzo inozivikanwa yekunyepedzera iri kuratidza zvisina kujeka, kana zvimwe zviito zvepabonde kana zvekumutsa zenze
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/ iri dhijitari uye ati yezvinhu chaizvo inoratidza:
    • Zviito zvine chekuita nebonde zvakaita sekutsvodana nerurimi ruchioneka uye kutamba kwepabonde kana kunomutsa chido chekuita bonde
    • Vanhu vari kutevedzera zviito zvepabonde
    • Kufambisa muviri kunoratidza nhengo dzakavanzika, bonyora, bonde remukanwa, kana kuita bonde
    • Micherechedzo, mifananidzo yezviri pasikirini kana zvidimbu zvemavhidhiyo zvemawebhusaiti anozivikanwa ezvinonyadzisira
  • Zviiswa zvine zviteererwa zvinenge zvichiridza zviito zvepabonde
Pazviiswa zvinotevera, tinoisawo chikwangwani chekuti vanhu vazive kuti zviiswa zvacho zvingangovabatabata:
  • Mifananidzo inoita sechaiyoiyo/ iri dhijitari uye ati yezvinhu chaizvo inoratidza:
    • Mifananidzo yesikarudzi iri kuoneka (kusanganisira sikarudzi yakavharwa nechinoiswa pamusoro chedhijitari kana kuvanza uye sikarudzi yakavanzwa nevhudzi resikarudzi), mifananidzo yakatorerwa pedyo yemagaro ari kuoneka kana kunobuda tsvina kana yatumirwa munyaya yezvekurapa kana utano. Izvi zvinogona kusanganisira, semuenzaniso:
      • Kuzvara uye pashure pekuzvara
      • Kuzviongorora kuitira kuona kana uine gomarara kana chimwe chirwere
  • Minyatso yemunhu kadzi iri kuoneka, kana yakatumirwa munyaya yezvekurapa kana utano (kusanganisira kubviswa mazamu kudzivirira kupararira kwegomarara kana nyora dzeakapona gomarara)
PaMitemo Yenharaunda inotevera, tinoda mamwe mashoko kana kuti mashoko akapoteredza kuti tikwanise:
  • Pamwe pacho, tichatendera zviiswa kumakore 18 kana kupfuura zviine mashoko ekuchenjedza zvingave zvichityora Mitemo Yenharaunda kana zvikaonekwa kuti zviiswa zvacho ndezvekutsiurira munyambo. Zviiswa zvichangobvumirwa chete kana zvikamu zviri kutyora mutemo zvacho zviri kuitirwa munyambo kana kuti zvichinongedza kuchimwe chinhu kana mumwe munhu nechinangwa chekumutsvinyira kana kumutsoropodza.
Zvasangana nevashandisi
Ona mienzaniso yezvinoitwa pakuitwa kuti mitemo itevedzwe kuvanhu vepaFacebook, zvakadai seizvi: zvazvakaita pakumhan'ara chinhu chaunofunga kuti hachifaniri kuva paFacebook, kuudzwa kuti watyora Mitemo yeNharaunda yedu uye kuona mashoko echenjedzo pane zvimwe zviiswa.
Ziva kuti: Tinogara tichivandudza, saka zvaunoona pano zvinogona kunge zvava zvekare zvishoma pane zvatinenge tava kushandisa.
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Kukurukura pashure pekumhan'ara
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashandiro ekubvisa
ZVINOSANGANA NEMUSHANDISI
Mashoko echenjedzo anobuda pasikirini
Dhata
Ona Ripoti yeKumisikidzwa kweMitemo Yenharaunda yazvino
Kuita kuti itevedzerwe
Tine mitemo yakafanana pasi rese yemunhu wese ari paFacebook.
Zvikwata zvinoongorora
Chikwata chedu chepasi rese chevanhu vanopfuura 15 000 chinoshanda zuva nezuva kuti vanhu vari paFacebook vachengeteke.
Kunzwawo vamwe
Nyanzvi dziri kunze, vedzidzo, maNGO nevanogadzira mitemo, vanobatsira kuti Facebook ione zvaingaita pakugadzirisa Mitemo yeNharaunda.
Wana rubatsiro nezvekushama kwemunhu mukuru uye zviito zvebonde
Dzidza zvaungaita kana ukaona chimwe chinhu chinopesana neMitemo Yenharaunda yedu paFacebook.
Shanyira Nzvimbo Yerubatsiro yedu