Mitemo Yenharaunda
Nhanganyaya
Mitemo iyi inotsamira pazvinofungwa nevanhu uye pamazano enyanzvi dzekugadzirwa kwezvinhu zvemazuva ano, akadai setekinoroji, kuchengeteka kweveruzhinji uye kodzero dzevanhu. Kuti inzwi remunhu wese rikosheswe, tinogadzira nemazvo mitemo ine maonero uye zvinodavirwa zvakasiyana-siyana, kunyanya evanhu uye nharaunda dzinogona kusiyiwa kana kusakosheswa.
Zuva nezuva, vanhu vanoshandisa Facebook, Instagram, Messenger uye Threads pakutumirana zvavanosangana nazvo, kudyidzana neshamwari uye mhuri, uye kuvaka nharaunda. Masevhisi edu anobvumira mabhiriyoni evanhu kutaura zvakasununguka maonero avo pasinei nenyika kana tsika dzavo, uye mumitauro yakawanda.
Meta inoziva zvazvakakoshera kuti Facebook, Instagram, Messenger uye Threads dzive nzvimbo dzinopiwa vanhu masimba ekukurukura, uye tinokoshesa chaizvo basa redu rekuchengetedza sevhisi yedu kuti isashandiswe zvisizvo. Ndokusaka takagadzira mitemo yezvinotenderwa nezvisingatenderwi pamasevhisi aya.
Tinokumbira kuti uzive kuti Mitemo Yenhauraunda yeChirungu chekuUS ndiyo inoratidza mitemo iri kunyanya kuenderana nenguva uye ndiyo inofanira kushandiswa sedhokumendi guru pamadhokumendi emitauro yese.
Kuzvipira kwatakaita kuinzwi
Chinangwa cheMitemo Yenharaunda yedu ndechekugadzira nzvimbo yekutaura maonero uye yekupa vanhu inzwi. Meta inoda kuti vanhu vakwanise kutaura zviri pachena nezvezvinhu zvakavakoshera, kungave kuburikidza nekunyora makomendi, mifananidzo, mimhanzi, kana zvimwe zvashandiswa, kunyange kana vamwe vasingabvumirani kana kuti vachigumburwa nazvo. Dzimwe nguva, tinotendera zviiswa—izvo zvingadaro zvichityora mitemo yedu—kana zvichikodzera kubuda munhau uye zvichifanira kuzivikanwa neruzhinji. Tinoita izvi chete pashure pekunge taenzanisa zvinodiwa nevanhu nemukana wekukuvadzwa uye tinotarisa kodzero dzevanhu pasi rese pakusarudza izvi. Mune zvimwe zviitiko, tinogona kubvisa zviiswa zvinoshandisa mutauro usinganzwisisike kana usina kujeka kana mamwe mamiriro akatibvumira kunzwisisa kuti zviiswa zvinopikisana nemitemo yedu.
Kuzvipira kwedu panyaya dzekuratidza maonero kwakakosha kudarika zvese, asi tinoziva kuti indaneti inogadzira mikana yakawedzerwa yekushungurudzwa kwevanhu. Pamusana pezvikonzero izvi, patinorambidza mamwe maonero, tinodaro tichiremekedza chimwe chete kana zvakawanda zvezvinotevera:
KUVA PACHOKWADI
Tinoda kuva nechokwadi chekuti zviiswa zvinoonekwa nevanhu ndezvechokwadi. Tinodavira kuti kuva wepachokwadi kunogadzira nharaunda iri nani yekutumirana zvinhu, uye ndicho chikonzero nei tisingadi vanhu vanoshandisa masevhisi edu vachizviita mumwe munhu kana kuti vachimiririra zvakasiyana nezvavari kuita.
KUCHENGETEKA
Takazvipira kuita kuti Facebook, Instagram, Messenger uye Threads dzive nzvimbo dzakachengeteka. Tinobvisa zviiswa zvinogona kuita kuti vanhu vakanganisike kana kukuvara. Zviiswa zvinomanikidzira vanhu zvine mukana wekutyisidzira, kusiya kunze kana kunyararidza vamwe uye hazvitenderwi pamasevhisi edu.
ZVAKAVANZIKA
Takazvipira kuchengetedza zvakavanzika zvemunhu uye mashoko nezvake. Zvakavanzika zvinopa vanhu rusununguko rwekuva zvavari, kusarudza kuti votumira vamwe zvinhu sei uye rini pamasevhisi edu uye kuti vadyidzane nevamwe zviri nyore.
CHIREMERERA
Tinodavira kuti vanhu vese vakafanana pachiremerera uye pakodzero. Tinotarisira kuti vanhu vacharemekedza vamwe uye kuti havashungurudzi kana kuzvidza vamwe.
Mitemo Yenharaunda
Mitemo yeNharaunda yedu inoshanda kumunhu wese, pasi rese, uye kumhando dzese dzezviiswa, kusanganisira zviiswa zvagadzirwa neAI.
Chikamu chimwe nechimwe cheMitemo Yenharaunda chinotanga ne"Zvikonzero Zvemutemo" zvinotaura nezvezvinangwa zvemutemo wacho zvichiteverwa nemitsetse yemutemo inotaura:
Zviiswa zvisingabvumirwi; uye
Zviiswa zvinoda mamwe mashoko kana tsanangudzo kuti zvimisikidzwe, zviiswa zvinobvumirwa zviine mashoko echenjedzo kana zvinobvumidzwa asi zvinongokwanisa kuonekwa nevanhu vakuru vane makore 18 zvichikwira.